Accessibility links

Breaking News

Vanhu kwaMutare Voshora Mapurisa paNyaya yeMarhedhiyo


Vagari vekwaMutare vanoti havasi kufara nedanho rakatorwa nemapurisa rekurambidza kushandiswa kwemarhedhiyo anobva kunze kwenyika ari kupihwa vanhu pachena nemasangano akazvimirira.

Vagari ava, avo vanosanganisira magweta nevatori venhau, vanoti danho rakatorwa nemapurisa iri harina nematuro ose, uye rinoratidza kupererwa nekufunga kuri kuitika muvakuru vemapurisa.

Mumwe mutori wenhau anoshanda akazvimirira maMutare, Andrew Mambondiyani, anoti vanhu vane kodzero yekunzwa zvavanenge vachida kunzwa pamawairesi aya.

Gweta rine mukurumbira pasi rose, uye vari mukuru wesangano reInternational Commission of Jurists - Africa, VaArnold Tsunga, vanoti mapurisa havana zvavanoziva maererano nemutemo ndokusaka vakataura mashoko ekurambidza vanhu kuti vange vaine mawairesi aya.

Ukuwo mutevedzeri wasachigaro weKumakomo Community Radio Station, sangano riri kurwira kuvapo kwenhepfenyuro yemunharaunda yeMutare, Muzvare Evidence Chenjerai, vanoti havaoni chinosungisa kugoverwa kwemawairesi sezviri kutaurwa nemapurisa.

Muzvare Chenjerai vanoti mawairesi aya anobatsira kumaruwa zvakanyanya.

Mumwe mugari wemaMutare, uye vachishanda nemasangano e-National Constitutional Assembly pamwe nere Padare, VaJacob Mundenda, vanoti mapurisa haana mvumo yekuita izvi sezvo zvisiri pamutemo.

Sangano reMedia Institute of Southern Africa-Zimbabwe, rinoti riri kushushikana nedanho rakatorwa nemapurisa.

Mutauriri wemapurisa, Assistant Commission Charity Charamba, vakaudza vatori venhau muHarare kuti masangano ose achawanikidzwa achigovera mawairesi kuvanhu achasungwa pamwe chete nevanhu vacho vari kuatambira.

Mazuva mashoma apfuura mapurisa akasunga vashandi vemasangano akazvimirira oga muHarare nekuMasvingo ayo aigovera maredhiyo anoshandisa moto wezuva.

Masangano ashanyirwa nemapurisa kusvika pari zvino anosanganisira Zimbabwe Election Support Network, Zimbabwe Peace Project, National Association of Non-Governmental Organisation, nemamwe.

Nyanzvi munyaya dzekutepfenyura dzinoti marhedhiyo ari kukonzera mutauro aya anogona kushandiswa nani zvake mukuteerera nhepfenyuro yaanoda, ingave Zimbabwe Broadcasting Corporation, South Africa Broadcasting Corporation, Studio7, Voice of the People kanawo SW Radio Africa.
XS
SM
MD
LG