Accessibility links

Breaking News

Mashoko aVaJonathan Moyo Orwadza Vashandi veHurumende


Jonathan Moyo
Jonathan Moyo

Sachigaro weColaz, VaDavid Dzatsunga, vanoti mashoko aVaMoyo aya mashoko anogona kunyunyutisa sezvo hurumende iine nzira dzekuranga nadzo vashandi vayo vanenge vasingaite basa rinogutsa, pane kuti vanhu vose vazorwe mafuta enguruve yavasina kudya.

Vashandi vehurumende, kusanganisira nhengo dzesangano rinomirira varairidzi vemuzvikoro zvepamusoro soro, reCollege Lecturers Association of Zimbabwe, Colaz, vanoti vari kunyunyuta zvikuru nemashoko egurukota rezvedzidzo yepamusoro soro, VaJonathan Moyo, ekuti vamwe vashandi kusanganisira vehurumende, havakodzeri kunge vachipiwa mari dzemabhonasi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Sachigaro weColaz, VaDavid Dzatsunga, vanoti mashoko aVaMoyo aya mashoko anogona kunyunyutisa sezvo hurumende iine nzira dzekuranga nadzo vashandi vayo vanenge vasingaite basa rinogutsa, pane kuti vanhu vose vazorwe mafuta enguruve yavasina kudya.

Vachinyora pa twitter nemusi weChitatu svondo rino, VaMoyo, avo vaimbova gurukota rezvekuburitswa kwemashoko rakasiya mapepanhau akazvimirira avharwa munyika,vakati vashandi vari kuda kupiwa mari dzemabhonasi ava havashandi uye zvidhakwa zvinosiya mabhatye mumahofisi vachinonwa mhamba.

Vashandi vehurumende vari kuyambira hurumende kuti vanogona kuramwa mabasa kana vasina kupiwa mari dzavo idzi, idzo dzvaifanirwa kuwana muna Mbudzi. Studio 7 yakundikana kubata VaMoy

Zvichakadaro, sangano re Progressive Teachers Union of Zimbabwe rinoti richiri kuunganidza pfungwa dzenhengo dzaro pamusoro pematanho ekutora pachavhurwa zvikoro nemusi weChipiri svondo rinouya

XS
SM
MD
LG