Accessibility links

Breaking News

Zvizvarwa ZveZimbabwe Zvofara neKusangana na Pope Francis


Pope Francis.
Pope Francis.

Zvizvarwa zveZimbabwe zvange zviri pamusangano mukuru we Mhuri, World Meeting of Families, uyo wakapindwa na Pope Francis, mukuru vesvondo yechiRoma pahwikendi, vanoti varikufara zvikuru nedzidziso yavakawana kumusangano uyu muguta re Philadelphia mu America.

Mumwe mudzimai wechidiki ange ari pamusangano uyu, Theresa Foroma, anoti akafara ne kukomborerwa zvikuru kunge ari pamusangano uyu, uye nekuwana mukana wekupinda misa yaikokerwa naPapa Francis.

"Takakomborerwa zvikuru tikava nemufaro wakawedzerwa kupinda musangano uyu. Chitaurirwa chokwadi," anodaro Theresa Foroma.

Muzvare Oroma vanoti vachatora zvidzidzo zvavakawana kubva pamusangano uyu wakange uriko kwevhiki vachinopakurira vamwe kumusha.

"Takadzidza zvakawanda chose zvekuti patichadzokera kumusha tichange tichinopakurira vamwe vedu zvinogudza mweya uye mhuri dzedu nechitendero nezvimwe zvakadaro."

Zvizvarwa zveZimbabwe zvakapinda musangano uyu zvinosvika makumi matatu uye varikutarisirwa kudzokera kumusha kupera kwevhiki rino.

Papa Francis vakadzokera kuRome, Italy, kwavanoshanda vari nezuro mushure memisa iyi.

Hurukuro NaMuzvare Theresa Foroma
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG