Accessibility links

Breaking News

Vana Chiremba Vanoti Dr David Parirenyatwa Ngavadzingwe Basa


David Parirenyatwa
David Parirenyatwa

Kuratidzira kwavanachiremba vari pasi pePremier Service Medical Investment kana kuti PSMI bandauko rePremier Service Medical Aid Society kwapinda muzuva retatu.

Vamwe vanachiremba vanoti vave nemwedzi mishanu vasina kubhadharwa mari dzavo dzepamwedzi.

Izvi zvapa kuti sangano reZimbabwe Hospital Doctors Association risimbise kuti gurukota rinoona nezvehutano, Dr David Parirenyatwa, vadzingwe basa.

Pane mashoko ekuti kunyangwe vamwe vanachiremba vasiri kubhadharwa nePSMI, Dr Parirenyatwa vanoshandawo sachiremba vainge vapihwa mari yavasati vatomboshandira.

Hatina kukwanisa kubata Dr Parirenyatwa kuti tinzwe divi ravo.

Asi sangano reZimbabwe Teachers Association rinoti nhengo dzaro nevamwe vashandi vehurumende vanorapwa navanachiremba vakanda mapadza pasi ava, vanogona kurasikirwa nehupenyu sezvo zvimwe zvipatara zvagara zvave kuramba makhadhi ePSMAS.

Mutungamiri wesangano reZHDA, Dr Fortune Nyamande, vanoti Dr Parirenyatwa vanofanira kumiswa kana kudzingwa basa nekuti vari kukundikana.

XS
SM
MD
LG