Accessibility links

Breaking News

Dr Vimbai Chivaura Vanoshaya


Dr Vimbai Chivaura
Dr Vimbai Chivaura

Mudzidzisi mubazi rechirungu paUniversity of Zimbabwe Dr Vimbai Chivaura vakashaya nemusi weChipiri mangwanani kuchipatara cheAvenues Clinic muHarare.

VaChivaura vaizivikanwa zvikuru nezvirongwa zvavaiita panhepfenyuro yeZBC-TV zvakaita seNational Ethos uye Nhaka yedu.

Rufu urwu rurikuuya apo nyika iti kuchema muzvinafundo Sam Moyo vakashaya kuIndia neMugovera uye muzvinafundo lindela ndlovu uye Dr Lawton Hikwa vose vekuNational University of Science and Technology.

Dr Chivaura vakambotungamirawo sangano reZimbabwe Inter News Agency kana kuti ZIANA.

VaChivaura vakamboshandawo nemaUniversity akawanda muAmerica anosanganisa Claremont Graduate School, Michigan State University, University of Massachussets nemamwe.

XS
SM
MD
LG