Accessibility links

Breaking News

Vakarwa Hondo Vanoti Vari kuBatwa neSeri kweRuoko neHurumende


VaChristopher Mutsvangwa
VaChristopher Mutsvangwa

Vamwe vevakarwa hondo yerusunguko vanoti vari kusiiwa muzvirongwa zvakawanda zviri kuitwa nehurumende nepamusana pekuti vanotsigira mapato ezvematongerwo enyika anopikisana ne Zanu PF.

Makore makumi matatu nemashanu Zimbabwe yawana kuzvitonga kuzere kubva kuhutongi hwevachena, vamwe vevakarwa muhondo yerusunguko iyi vanoti havasi kufara kuti havana chinobatika chavari kupihwa nehurumende.

Mumwe wevanhu ava ndiVaJim Mbewe avo vanoti vari kufara zvikuru kuti hurumende yakazowumba bazi rakazvimiririra rinowona nezvevakarwa muhondo yeChimurenga.

Asi VaMbewe kunyange hazvo vachifara nekuwumbwa kwebazi iri kwakaitwa nehurumende yaVa Robert Mugabe, varikurwadziwa nenyaya yekuti vakarwa hondo vazhinji vachiri kunonga svosve nemuromo.

Mumwe wevakarwa hondo, VaJohannes Mbeko, vakatsigira zvakataurwa naVa Mbewe.

VaMbeko vanoti vanotenda kuti hurumende yakazadzisa zvakatarwa nebumbiro idzva remitemo pakuremekedzwa kwevakarwa muhondo yeChimurenga kubudukidza nekuwumba kwayakaita bazi iri asi vanoti vari kutyira kuti vazhinji vavo vasiri muZanu PF hapana chavachawana sezvo bazi iri rakabuda pachena kuti ririkususukidza zvido zveZanu PF pamberi.

Mutauriri weMDCT, VaObert Gutu, vanoti kunyange hazvo bumbiro idzva remitemo yenyika richicherechedza vakarwa muhondo, kubatwa kuri kuitwa vanhu ava nehurumende kunotopisa tsitsi.

VaGutu, avo vanoti vakange vari mujibha munguva yehondo, ndeumwe weavo vakanyimwa minda pasi pechirongwa chekugovera ivhu kuvatema icho chakatangwa nehurumende yeZanu PF muna 2000 nepamusana pekuti inhengo yebato rinopikisa.

Zvichakadaro, sachigaro wesangano ranaMujibha nana Chimbwido re Zimbabwe National Liberation War Collaborators Association, Amai Josephine Gandiya, vanoti parizvino sangano ravo riri kufara nemabatirwo arikuitwa nyaya dzevakarwa hondo yerusunguko nehurumende.

Asi Amai Gandiya vanoti zvose zvichaitwa nebazi rinowona nezvevakarwa hondo zvinofanira kuitwa pasingatariswe kuti munhu anotsigira bato ripi rezvematongerwo enyika.

Nekune rumwe rutivi, sangano revana vevarwi vehondo yerusununguko re Children of Zimbabwe National Liberation War Veterans’ Association rinoti kutatsurana kuri kuitwa muZanu PF panyaya dzekuti achatora matomhu kana VaMugabe vachinge vabva pachigaro ndiyani kwanhanhirawo kuvarwi vehondo yeChimurenga.

Mutungamiri wesangano iri, VaInnocent Mhlanga vari kupomera chikwata cheZanu PF chiri kudaidzwa kuti Generation 40 kana kuti G40 mhosva yekusabata varwi vehondo zvakanaka.

Chikwata che Generation 40 kana kuti G40 chinonzi chine vezvematongerwo enyika vechidiki vakawanda muZanu PF avo vanonzi vari kutsigira mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, kuti vagotora matomhu kana murume wavo abva pachigaro.

Amai Mugabe vakambotaura pavaiatsvaga rutsigiro pamberi pekongiresi yeZanu PF yakaitwa muna Zvita wegore rapera kuti vaidawo chigaro chiri pamusoro pechehunyori muboka remadzimai re Women’s League chavainacho pari zvino asi vakazoti havanei nechigaro chemutungamiri wenyika avo vavanoti vanogona kutonga vagere pa wheelchair nepamusanana pekukura kwavaita.

VaMhlanga vanoti vakarwa muhondo yerusununguko vanofanira kuremekedzwa zvisinei nenyaya dzekurwirana masimba kuri kuitwa mu Zanu PF.

Zvisinei, munyori mubazi rinowona nezvevarwi vehondo, Retired Brigadier General Asher Walter Tapfumanei vanoti bazi ravo rakawumbwa pachitevedzwa mutemo nokudaro zvose zvinoitwa nebazi iri zviri pamutemo.

VaTapfumanei vanoti hapana kusarura kunoitwa nebazi racho kuti anobatsirwa ndiyani vachiti vakarwa muhondo yerusunguko vane kodzero dzekusarudza kutsigira kana kusatsigira chero ripi bato zvaro munyika.

Kunyange hazvo nguva yareba nyika yawana kuzvotonga kuzere, varwi vehondo yeChimurenga vazhinji varikungoramba vachingunun’una nemabatatirwo avari kuitwa nehurumende.

Asi dzimwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti vakarwa hondo yerusunguko havafanire kungochema vachiti vakambopihwa mari yakawanda yemudyandigere uye vakawanawo mapurazi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:11:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG