Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoparura Homwe yeMari Inosvika Mamiriyoni Gumi eMadhora


VaPatrick Zhuwawo
VaPatrick Zhuwawo

Gurukota rinoona nezvevechidiki nekuendeswa kwehupfumi kuvatema, VaPatrick Zhuwawo, nemusi weChitatu vakaparura muHarare homwe yemari inosvika mamiriyoni gumi emadhora yekubatsira vechidiki kuti vavambe mabhizimisi.

Homwe yakadai yakambokonzera mutauro wakanyanya munguva yapfuura apo vechidiki vakapihwa zvikwereti zvikuru nebhanga reCABS vakatadza kubhadhara mari yacho.

Vaive mutevedzeri wegurukota rezvechidiki muhurumende yemubatanidzwa, VaTongai Matutu, vakati vanhu zvikamu makumi mapfumbamwe nezvishanu kubva muzana vakawana mari iyi vaive vechidiki kubva kubato reZanu-PF.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti nyaya yemabasa muZimbabwe iri kunetsa zvakanyanya zvekuti panofungidzirwa kuti vanhu vanopfuura zvikamu makumi masere kubva muzana havana mabasa.

Asi hurumende inoti huwandu hwevanhu vasina mabasa hunopfuura zvishoma zvikamu gumi kubva muzana.

Hurukuro naVaPatrick Zhuwawo
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG