Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vodzoka kuU.N Vachisvikotambirwa neNhamo dzeNyika


VaRobert Mugabe
VaRobert Mugabe

Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vakasvika munyika nemusi weChina vachibva kumusangano weUnited Nations General Assembly wechimakumi manomwe.

VaMugabe vakagashirwa panhandare yendege yeHarare International nevechidiki veZanu-PF uye vatevedzeri vavo VaPhelekezela Mphoko naVaEmmerson Mnangagwa. Asi VaMugabe vakasvikotambirwawo nematambudziko mubato ravo kurwisana kunotyisa kuchinzi kuri kuenderera mberi.

Zvinonzi mubato iri muri kunetsana pakati pevanonzi vari kutsigira amai Grace Mugabe vanombonziwo Generation 40 nevanonzi vari kutsigira VaEmmereson Mnangagwa.

VaMugabe vakakurudzira vatsigiri veZanu-PF kuti vabatane. Vakatendawo kuti nyika yakatarisana nenzara inotyisa asi vakati hurumende iri kuyedza kutenga chikafu kuti vanhu vasaziye nenzara.

VaMugabe vakashorawo mapato anopikisa anoti rePeople Democratic Party raVaTendai Biti uye chikwata chePeople’s First chinotungamirwa naamai Joyce Mujuru.

Vashorawo vari kuramba kupinda musarudzo vakaita savana MDC-T. Panyaya yanetsa yemagetsi ari kuramba achidzimwa, VaMugabe vati gurukota rezvemhando dzemoto VaSamuel Undenge hakuna kwavari kuenda.

Vati VaUndenge havana chavakatadza vakatiwo dambudziko remagetsi riri kubata nyika dzakawanda muSADC.

Pane vamwe mubato reZanu-PF vange vachiti VaUndenge ngavasiye basa nekuti vari kukundikana.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG