Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Votaura kuMusangano weUnited Nations nezveMinda neKuvandudza IMF


Kesehatan Presiden Zimbabwe Robert Mugabe dilaporkan memburuk akibat menderita kanker prostat (foto: dok).
Kesehatan Presiden Zimbabwe Robert Mugabe dilaporkan memburuk akibat menderita kanker prostat (foto: dok).

Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe nemusi weChishanu vakataura pamusangano weUnited Nations wechishanu muchikamu chechimakumi manomwe kana kuti 5th Plenary meeting, 70th Session, Sustainable Development Summit 2015.

VaMugabe vakaudza musangano uyu kuti muZimbabwe hurumende yavo yakapa vanhu minda kuri kuyedza kuvaburitsa munhamo.

VaMugabe vakati izvi vakazviita kunyangwe hazvo paine vamwe vaishora chirongwa ichi zvikuru kubva kunyika dzakabudirira. VaMugabe vakati chirongwa chekugovera minda patsva change chabatsira vanhu vakawanda.

VaMugabe vakakurudzira nyika dzose dzepasi rino kuti dzibatane kuti dzikwanise kuzadzikisa zviga zveUnited Nations zvekubatsira varombo.

VaMugabe vakatiwo mabhanga akaita sereInternational Moneteray Fund neWorld Bank anofanira kuvandudzwa mashandiro avo. VaMugabe vanoti izvi zvingadai zvakaitwa kare kare. Vanoti kuita izvi kunobatsira kubatsira nyika dzevarombo.

Mashoko aVaRobert Mugabe kuUnited Nations
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro gweta rinorwira kodzero dzevanhu riri kumusangano uyu Amai Nyaradzayi Gumbonzvanda vakakurudzira vatungamiri venyika dzepasi rino kuti vaendese mari yakawanda kuzvirongwa zvekubatsira vanhu kwete mukurwisana.

Hurukuro naAmai Nyaradzayi Gumbonzvanda
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG