Accessibility links

Breaking News

Pope Francis Votaura kuUnited Nations


Pope Francis
Pope Francis

Mutungamiri wekereke yeRoman Catholic Church Pope Francis nemusi weChishanu vatura mashoko avo pamberi pemusangano weUnited Nations General Assembly apo vakurudzira vatungamiri venyika dzepasirose kuti vashande pamwe chete kupedza hondo dziripo pamwe nehurombo.

Vachitaura kumuzinda weUnited Nations Pope Francis vakatsinhira mashoko avakataura neChina kudare reCongress yeAmerica ekuti nyika dzepasi rose dzinofanirwa kubatsira vanhu vanotambura uye varikutiza hondo.

Vakayambirazve vatungamiri venyika idzi varikupinda mumusangano weUn General Assembly kuti vatore matanho akasimba kugadzirisa nyaya yekuchinja kwemamiriro ekunze uko kurikukonzerwa nevanhu kana kuti "climate change."

Mutungamiri weZimbabwe VaRobert Mugabe ndemumwe wevatungamiri vapinda musangano uyu.

Papa Francis vakaratidza kushushikana zvikuru nekushungurudzwa kurikuitwa vatendi vechikristu kunyika dzirikumaodzanyemba kweAfrica pamwe chete nehondo dziripo kumMiddle East vachiti vatungamiri vepasi rose vanofanirwa kutora matanho kugadzirisa nyaya idzi.

Vati mhirizhonga nehondo dzinokonzerwa nekusawirirana nepamusana pezvitendero kunyika dzakaita sesSria, Ukraine, Iraq, Great Lakes nedzimwe nyika dzekuAfrica chinhu chisina kunaka zvachose chinofanirwa kugadziriswa nechimbi chimbi.

Sekutaura kwavo neChina, Papa Francis vati vezvematongero enyika vanofanirwa kubvumirana kupedza hurombo pasi rose uye vasashandisa masimba avo kudzvinyirira veruzhinji.

Vanoongorora zvematongerwo enyika Dr Nkululeko Sibanda vanoti mashoko aPope Francis akakosha zvikuru.

VaSibanda vatiwo vanoona vatungamiri vachitevedzera kurudziro yaPope sezvo nyika dzose dziine makatorike akawanda.

Vachibva kuUnited Nations Papa Francis vakaenda kuGround Zero nzvimbo yakarwiswa nechikwata cheAl Qaida muna 2001 nendege dzainge dzapambwa. Pope vakabatana nevatungamiri vezvitendero zvakasiyana siyana kurangarira zviuru zvevanhu zvakafa mutsaona iyi.

Pope Francis
Pope Francis

Nemusi weMugovera Pope varikutarisirwa kupinda kereke nezviuru zvema Roma kuPhiladelphia. Vechitendero cheRoma munyika vanopfuura makumi maviri nemashanu kubva kuZimbabwe vari muPhiladelphia.

XS
SM
MD
LG