Accessibility links

Breaking News

"Munodei paMuchato weDhongi neBere"-VaKasukuwere paNyaya yeKutyisidzirwa neRufu


VaSaviour Kasukuwere
VaSaviour Kasukuwere

Mubato reZanu-PF mapinda zinyekenyeke zvichitevera mashoko ekuti vamwe vakuru vebato iri vari muchikwata chinonzi Generation 40 kana kuti G40 vavekutumirwa mashoko ekuti vanogona kupfuudzwa pambozhanhare dzavo.

Vanonzi vatumirwa mashoko aya vanosanganisa gurukota rezvematunhu VaSaviour Kasukuwere, gurukota rezvedzidzo yepamusoro muzvinafundo Jonathan Moyo, gurukota rezvekuendeswa kwehupfumi kuvatema VaPatrick Zhuwawo uye vanomirira Harare South mudare reparamende VaShadreck Mashayamombe.

Bepanhau reNewsday ndiro rakatanga kuburitsa nyaya yekuti pane vakuru mubato reZanu-PF vainge vatumirwa mashoko ekuti vanogona kuitwa kafiramberi nemunhu asiri kuzivikana. Izvi zvinonzi zvakaitwa nemusi weSvondo.

Mutauriri wemapurisa, Senior Assistant Commissioner Charity Charamba vati vange vasati vapirwa nyaya iyi. VaMoyo havana kudaira nharembozha yavo. VaZhuwawo vati havasati vatarisa nharembozha yavo kuti pane mashoko akadai here sezvo paine vanhu vakawanda vari kuvatumira mashoko ekuvakorokotedza nekudomwa kuva gurukota.

Asi VaKasukuwere havana kuda kutaura zviri kuitika vachiti Studio 7 igare kuAmerica kwede kuda kutaura zviri munyika. Tabatawo VaMashayamombe asi zvakona n’anga murapwa achida vachiti havana kusununguka kutaura parunhare.

Mumusangano weZanu-PF hamuna kugadzikana sezvo pari kufungidzirwa kuti paita kunetsana kwakanyanya panyaya yekuti ndiyani achatora chigaro chemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe avo vari kunzi vakwegura.

Pakuvigwa kwegamba renyika VaSikhanyiso Ndlovu kumarinda eHeroes Acre neMugovera nhengo dzeZanu-PF dzakawirasanawo.

Nyaya yekunetsana muZanu-PF iyi inonzi yave kukanganisa nhaurirano nemapato anopikisa idzo dzinonzi dzakatanga kuitwa kuGhana dzichitarisirwa kuitwa zvekare kuVictoria Falls neChina.

Mapato anopikisa arikuramba kuti nhaurirano idzi dzakananganana nekuumba hurumende yemubatanidzwa. Zanu-PF nekune rimwe divi iri kutoramba kuti pane nhaurirano dziripo.

Zanu-PF haina kubvira yagadzikana kubva zvayakadzinga vaive mutevedzeri wemutungamiri wenyika amai Joyce Mujuru nevamwe vachipomerwa mhosva yekuda kubvisa VaMugabe pachigaro nechisimba.

Asi amai Mujuru nevamwe vakadzingwa mubato vari kuramba nyaya yekuti vaida kubvisa VaMugabe pachigaro vachiti vari kuzorwa mafuta enguruve yavasina kudya.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG