Accessibility links

Breaking News

Pope Francis Vanosvika muAmerica


VaBarack Obama amai Michelle Obama na Pope Francis
VaBarack Obama amai Michelle Obama na Pope Francis

Mukuru wechitendero cheRoman Catholic, Pope Francis vakasvika muAmerica nemusi weChipiri vachibva kuCuba.

Pope Francis vakatambirwa panhandare yendege yeJoint Base Andrews muMaryland nemutungamiri wenyika yeAmerica VaBarack Obama.

Uru rwendo rwekutanga rwaPope Francis kushanyira America kubva zvavakasaudzwa kutungamira chitendero cheRoman Catholic muna 2013.

Vanhu vanosvika zviuru makumi matatu zviri kutarisirwa kupinzwa misa naPope Francis pachechi yebasilica of the National Shrine of the Immaculate Conception muWashington DC.

Pope Francis varikutarisirwawo kuti vachaparura mashoko kuCongress yeAmerica neChitatu.

XS
SM
MD
LG