Accessibility links

Breaking News

VaRugare Gumbo Vanoyambira MDC Kuti Kuita Hurukuro neZanu-PF "Kubika Mbodza"


VaMorgan Tsvangirai, VaRobert Mugabe naVaArthur Mutambara
VaMorgan Tsvangirai, VaRobert Mugabe naVaArthur Mutambara

Vaimbova mutauriri weZanu-PF VaRugare Gumbo vari kuyambira mapato eMDC maviri kuti kuda kuita nhaurirano neZanu-PF dzekuda kuumba hurumende yemubatanidzwa kurovera hoko padehwe retsindi sezvo Zanu-PF isisina rutsigiro rwevanhu nenyaya yekutadza kutonga.

Izvi zvinotevera mashoko ekuti vamwe vakuru mumapato matatu ane nhengo dzedare reparamende vari kuita hurukuro muchivande. Kunyangwe mapato anopikisa aya ari kutenda kuti pane hurukuro, vari kuramba kuti ndedzekuumba imwe hurumende yemubatanidzwa. Asi mutauriri weZanu-PF VaSimon Khaya Moyo vanoti havana nhaurirano dzavari kuita.

Hurukuro dzinonzi dzakamboitwa kuGhana uye kune dzimwe dziri kutarisirwa kuitwa kuVictoria Falls nemusi weChina.

Mukuru weZimbabwe Democracy Institute VaPedzisayi Ruhanya vanoti nhaurirano hadzina kuipa chero dzichiitwa pasina kuhwandirana.

Hurukuro naVaPedzisayi Ruhanya
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Muna 2009, Zimbabwe yakaita hurumende yemubatanidzwa zvichitevera sarudzo dzainge dzaitwa dzisina kufambiswa zvakanaka.

VaGumbo ndivo vave mutauriri wechikwata chinonzi chiri kutungamirwa naamai Joyce Mujuru avo vaimbova mutevedzeri wemutungamiri wenyika. Asi vose vakadzingwa mubato reZanu-PF vachinzi vaida kubvisa VaMugabe pachigaro nechisimba.

Hurukuro naVaRugare Gumbo
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi vose vakadzingwa mubato reZanu-PF vanoti nyaya yekuti vaida kuita VaMugabe kafiramberi ndeye mugotsi matsuro.

XS
SM
MD
LG