Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeZanu-PF Dzotora Mhiko Mudare reParamende


VaRobert Mugabe
VaRobert Mugabe

NeChitatu nhengo dzeHouse of Assembly dzeZanu-PF dzinosvika gumi nevatanhatu dzakatora mhiko mushure mesarudzo dzakaitwa musi wa 10 mwedzi uno.

Asi mapato makuru anopokisa achitungamirwa neMDC-T haana kupinda musarudzo idzi achiti haasi kufara nekuti hapasi kuvandudzwa mitemo yesarudzo.

Izvi zvinoreva kuti Zanu PF yava nezvigaro mudare iri zvinodarika mazana maviri negumi zvichitevera kutora kwayakaita zvigaro gumi nezvina zvanga zviri zveMDC-T iyo yakaramba kupinda musarudzo.

Kunyange hazvo paine kugunun’una uku, vakasarudzwa kumirira Highfield West muZanu PF, VaPyschology Mazivisa, vanoti vafara nekutora kwavo mhiko kwavaita.

VaMazvivisa vati ikozvino vazvipira kuti vange vachishanda zvakasimba kuunza budiriro uye havanei nekuramwa kupinda musarudzo kweMDC-T.

Asi vaimirira Dzivarasekwa vasati vadzingwa mudare, VaSolomon Madzore, vanoti zvaitika nhasi zvinosuwisa zvikuru.

Sangano reZimbabwe Election Support Network rakatiwo sarudzo idzi hadzina kufambiswa zvakanaka kunyanya mhirizhonga inonzi yaiitwa kuHurungwe West.

Mapato anofanira kutanga kugadzirira dzimwe sarudzo mumatunhu mashanu ange aine nhengo dzeZanu-PF dzimwe dzakadzingwa dzimwe dzakashanya.

Vakashaya ndiVaAmos Midzi veku Epworth uye Amai Acquilina Katsande.

Vakadzingwa ndiVaRay Kaukonde-Marondera Central, VaDavid Butau-Mbire uye VaKudakwashe Bhasikiti-Mwenezi East.

Asi VaBhasikiti vanoti nemhirizhonga yavakaona kuHurungwe West havasi kuzopinda musarudzo ye by election.

Asi sachigaro weZimbabwe Electoral Commision, Amai Rita Makaru, vanoti havangataure nezvemhirizhonga iyi sezvo nyaya iyi iri kumatare pari zvino.

Mutauriri webato reMDC-T, VaObert Gutu, vanoti havasi kuzopinda musarudzo sezvo zvavari kuda kuti zviitwe zvisati zvaitwa nehurumende pamwe neZEC.

Asi mukuru webato reNational Constitutional Assembly, Muzvinafundo Lovemore Madhuku, vanoti vachapinda musarudzo dzose dzinoitwa munyika.

Asi VaMadhuku vanoti havo pane zvimwe zvinoda kuti zvigadziriswe neZEC.

Sarudzo dzemunyika dzagara dzichiita mutauro uye vamwe vanoti izvi ndozvapa kuti Zimbabwe itatarike sezvo vekunze vachiiona senyika isina kugadzikana.

Nyaya Ina BLessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG