Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inonzi Iri Pamberi paKutyora Kodzero dzeVanhu


Sangano reWorld Justice Project raburitsa gwaro rayo ra2015 rinoratidza kuti panyaya yekutyora kodzero dzevanhu Zimbabwe iri pamusoro soro. Sangano iri rine muzinda muno muWashington DC

Pachikero chesanganoo iri Zimbabwe iri pachidanho chezana panyika zana nembiri dzakatariswa.

Ongororo iyi inotarisa nyaya dzekodzero dzevanhu, huori , runyararo, mashandiro ehurumende nezvimwe.

Nyika iri pekugumisira iVenezuela ichiteverwa neAfghanistan. Nyika iri pamusoro pakuremekedza kodzero dzevanhu iDenmark, ichiteverwa neNorway neSweden.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinowanzoyambira kuti ongororo dzakadai dzinokanganisa zvikuru hurongwa hwekukwezva vemabhizimisi vekunze kuti vauye kuzimbabwe.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu vachishanda nesangano reHuman Rights Watch VaDewa Mavhinga vanoti hurumende yeZimbabwe inofanira kuzadzikisa zvakarwirwa nevanhu Chimurenga zvekuti vagare hupenyu huri nani.

Asi vaimbova mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko VaBright Matonga vanoti nyaya yekuti Zimbabwe inotyora kodzero dzevanhu ndeye mugotsi matsuro.

XS
SM
MD
LG