Accessibility links

Breaking News

ZESN: Zvakawanda Zvinoda Kugadziriswa paNyaya yeSarudzo


ZESN
ZESN

Sangano reZimbabwe Election Support Network, ZESN, rinoti pachine rwendo rwurefu panyaya yekugadzirisa mitemo yesarudzo. ZESN yakaongorora sarudzo yakaitwa kuWedza North neChishanu.

VaDavid Musabayana veZanu-PF ndivo vakakunda musarudzo iyi mushure mekuwana mavhoti zviuru zvipfumbamwe nemakumi maviri. VaChikukwa Mudzingwa veNCA vakaita mavhoti zana nemakumi manomwe nesere, VaTichaona Makara veTransform Zimbabwe vakawana mavhoti zana nemakumi mana.

VaPrecious Manimanzi veFreedom Front vakawana mavhoti makumi masere nemasere.

Mutauriri weZanu-PF, VaSimon Khaya Moyo, vanoti vari kufara kuti vakakunda zvine mutsindo.

Chigaro ichi chakasara chisina mumiriri mushure mekushaya kwaVaSimon Musanhu veZanu-PF.

ZESN Inoti kunyangwe hazvo sarudzo dzakaitwa murunyararo musi wekuvhota, pane mashoko ekuti vanhu vaiunganidzwa kuti vanovhota muzvikwata uye vachiudzwa pekuvhotera.

Mugwaro rayo ZESN inoti vanhu vaishandisa tumapepa twekuvhotesa zvakakonzera mutauro musarudzo dzemuna 2013. Vanhu vane chitsama vainziwo vaizviti havakwanise kuvhota vachiuya nevaivabatsira.

Mapato anopikisa makuru akaita seMDC-T ari kuramba kupinda musarudzo achiti mitemo yesarudzo inofanira kuvandudzwa zvizere. Asi zviri kubuda zvinoratidza kuti hapana zvizhinji zvachinja.

Hatina kukwanisa kubata sachigaro weZimbabwe Electoral Commission, amai Rita Makarau, kuti tinwe divi ravo. ZEC yakatiwo mamwe mapato madiki akapinda musarudzo idzi akatadza kuendesa vaongorori vesarudzo panzvimbo dzose dzaivhoterwa.

Mutauriri webato reNational Constitutional Assembly, NCA, iro rakakwikwidza musarudzo idzi, VaMaddock Chivasa, vanoti ichokwadi kuti vanhu vaimanikidzwa kunovhotera Zanu-PF kuWedza North.

Hurukuro naVaMaddock Chivasa
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG