Accessibility links

Breaking News

VaZuma Voendeswa kuMatare


Masangano maviri ezvizvarwa zveZimbabwe aendesa kudare repamusoro muSouth Africa mutungamiri wenyika iyi, VaJacob Zuma, achida kuti vadzike mutemo wechimbichimbi nekutonga nemauto kana kuti State of Emmergency munzvimbo dzaberekera ingwe muSouth Africa.

Nzvimbo idzi, Durban neJohannesburg dzanga dziine mhirizhonga iri kuitwa kune zvizvarwa zvekunze nezvizvarwa zvemuSouth Africa.

Masangano eZimbabwe Exiles Forum neBlack Business Forum Zimbabwe akakwidza nyaya iyi kudare repamusoro muSouth Africa sezvinodiwa nebumbiro remutemo wenyika iyi.

Masangano aya anoda kuti hurumende yeSouth Africa isungewo mambo wevanhu verudzi rweZulu, Goodwill Zwelithini, nemwanakomana waVaZuma, Edward, avo vanonzi vakapesvedzera mhirizhonga.

Asi muzvinafundo munyaya dzemitemo, uye vari mutungamiri we National Constitutional Assembly, VaLovemore Madhuku, vanoti zvinonetsa zvikuru panyaya yakadai kuti matare ati VaZuma vasungirwe kuita zviri kudiwa nemasangano aya.

VaMadhuku vanoti masangano aya anofanira kuva nehumbowo hwakasimba nekuti matare kazhinji haadi kuonekwa achipindira munyaya dzekutongwa kwenyika.

Mashoko aVaMadhuku atsinhirwawo nerimwe gweta, VaTerrence Hussein, avo vati matare anowanzoita pfungwa dzekuti kana vanhu vasarudza mutungamiri wenyika, vanenge vaine chivimbo nematanho aanotora munguva dzakaoma nekudaro vanowanzogeza maoko sapirato panyaya dzine chekuita nemutungamiri wenyika.

Asi rimwe gweta rinorwira kodzero dzevanhu, uye vari chipangamazano musangano re Human Rights Watch, VaDewa Mavhinga, vanoti masangano aya anogona kubudirira nekuti VaZuma vakaita hwakamba vachinonoka kugadzirisa dambudziko iri.

Munyori musangano reBlack Business Forum Zimbabwe, VaWashington Mehlomakulu, vanoti hurumende yeSouth Africa haisi kutevedzera bumbiro remitemo mukupedza mhirizhonga iri munyika iyi.

Hurukuro naVaWashington Mehlomakulu
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG