Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanoti SADC neAU Ngavazeye Mhirizhonga Iri Kuitika muSouth Africa


VaJacob Zuma
VaJacob Zuma

Mutungamiri webato reMDC-T, VaMorgan Tsvangirai, vakurudzira vatungamiri venyika dzemuAfrica kuti vaise musoro pamwe chete mukugadzirisa dambudziko remhirizhonga yanetsa kuSouth Africa uko kuri kuurayiwa nekurwiswa zvizvarwa zvekune dzimwe nyika.

Hurumende yeSouth Africa neChipiri yakaendesa mauto kumisha inogara veruzhinji kuitira kuti anopodza mhirizhonga.

Gurukota rezvekudzivirirwa kweSouth Africa, Amai Nosiviwe Mapisa Nqakula, vakaudza vatori venhau muAlexandra, Johannesburg neChipiri kuti mauto atumirwa kuDurban akanangana nekupedza mhirizhonga iri kuitika.

Mutungamiri wenyika iyi, VaJacob Zuma, neMuvhuro vakamisa rwendo rwekuenda kuIndonesia kuti kuti vagadzirise nyaya iyi.

Mhirizhonga iri kuramba kupera muSouth Africa zvichitevera kupfurwa neMuvhuro kwemumwe murume wemuZimbabwe nemudzimai wake.

Kunyange pange paine mashoko ekuti vafa, Amai Mapisa-Nqakula vati havana kufa asi vachiri kurapwa muchipatara.

Mashoko aVaTsvangirai anouya apo VaMugabe vari muIndonesia kumusangano wenyika dzisina kwadzakarerekera.

VaMugabe ndivo sachigaro veSADC ne African Union pari zvino.

Hurukuro naVaMorgan Tsvangiai
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG