Accessibility links

Breaking News

Zanu-PF Yoita Zinyekenyeke


Protagonists in the escalating Zanu PF power struggles, Justice Minister Emmerson Mnangagwa and Vice President Joyce Mujuru. Collage by Ntungamili Nkomo
Protagonists in the escalating Zanu PF power struggles, Justice Minister Emmerson Mnangagwa and Vice President Joyce Mujuru. Collage by Ntungamili Nkomo

Zvinhu mubato reZanu-PF zvaramba zvakaita manyama amire nerongo sezvo mubato musina kuwirirana kuti poitwa sei nenhengo dzebato iri dzinonzi dzaitsigira vaive mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru.

Nyaya yekuti Amai Mujuru nevamwe vakadzingwa mubato vari kuumba bato ravo inonzi yapawo kuti mubato reZanu-PF musaite kugadzikana.

Dunhu reMasvingo riri kukurudzira kuti National Disciplinary Committee yebato iri idzinge vanhu gumi kusanganisira vaive makurukota vanoti VaDzikamai Mavhaire, VaKudakwashe Bhasikiti, VaPaul Chimedza nevamwe.

Mutevedzeri wemutungamiri webato, VaEmmerson Mnangagwa, vakatopirwa nyaya iyi. Dunhu reHarare riri kudawo kuti vaitungamira bato vanosvika makumi maviri nevashanu vadzingwewo.

KuMashaonaland Wast neCentral ndizvo zviri kuitikawo.

Asi vakuru vebato vanonzi havasi kuwirirana kuti vanhu ava voitwa sei izvo zvopa kuti mubato muite zinyekenyeke.

Mukuru wesangano reZimbabwe Democracy Institute, VaPedzisayi Ruhanya, vanoti Zanu-PF inotya kuti vanhu ava vanogona kupota vachifukura hapwa vachifumura bato.

Hurukuro naVaPedzisayi Ruhanya
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG