Mhirizhonga iri kukonzerwa nezvizvarwa zvemu South Africa zvichirwisa vekune dzimwe nyika inonzi iri kuramba ichienderera mberi zvikuru muDurban.
Vari kuziva zviri kuitika vanoti kusvika pari zvino pane vanhu vatatu vafa mumhirizhonga iri.
Mutauriri wedunhu reDurban, VaThami Ngwenya, vanoti nyika yavo iri kuyedza napose painogona kupedza mhirizhonga iyi. Vanotiwo vatumira mapurisa kunzvimbo dzose dzine mhirizhonga uye vari kuronga kuratidzira kuchaunganidza marudzi ose vachishora mhirizhonga iri kuitika.
Mhirizhonga iri kuitika mumisha inogara vazhinji. Nezuro manheru nzvimbo dzakaita mhirizhonga dziinosanganisira Isipingo, Chatsworth ne Greenwood Park.
Hurumende yeMalawi inonzi yatanga kubatsira zvizvarwa zvenyika iyi zviri kuda kudzokera kumusha.
Muna 2008, zvizvarwa zvekune dzimwe nyika zvinosvika makumi matanhatu nezviviri zvakafa muSouth Africa mumhirizhonga yakaitika panguva iyi.
Pane zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zviri kugara muSouth Africa zvichitevera kutiza nhamo kana nyaya dzematongerwo enyika mu Zimbabwe.
Gurukota rinoona nezvemukati meSouth Africa, VaMalusi Gigaba, vanoti hurumende yavo ichayedza napose painogona napo kudzivirira kurwiswa kwevatema vekune dzimwe nyika.
Asi mashoko aya haasi kumisa kurwiswa kwezvizvarwa zvedzimwe nyika izvo zvakapotera kumakamba emapurisa zvimwe zvichiendeswa kunhandare dzenhabvu zvakachengetedzwa nemapurisa.
Zvizvarwa zvemuSouth Africa zvinoti zvizvarwa zvekune dzimwe nyika izvi zviri kuvatorera mabasa.
Vachitaura nenhepfenyuro yeSABC, mumwe mukuru kumuzinda weZimbabwe muSouth Africa, kana kuti Consular General, VaHenry Mukonoweshuro, vati vacharamba vachishanda nehurumende yeSouth Africa mukuyedza kugadzirisa dambudziko iri.
Chizvarwa cheZimbabwe muDurban, VaBlessed Murandu, vanoti zvinhu zvakaita manyama amire nerongo.