Accessibility links

Breaking News

VaGumbo: Amai Mujuru Vachapinda Sarudzo dza2018 Vakamirira Zanu PF Chaiyo


Amai Joice Mujuru
Amai Joice Mujuru

Vaimbova mutauriri webato reZanu-PF, VaRugare Gumbo, vanoti vaimbova mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru, vari kuzopinda musarudzo dzemuna 2018 vakamirira yavanoti Zanu-PF chaiyo yakavamba Chimurenga kana kuti Zanu-PF People First.

Amai Mujuru vakadzingwa mubato svondo rapera vachipomerwa mhosva dzinonzi nevakawanda hadzina nemusoro wese.

Komiti yeZanu PF yepamusoro soro inoranga vanotadza mubato ndiyo inonzi yakatora danho rekudzinga Amai Mujuru.

Sachigaro wekomitiu iyi mutevedzeri wemutungamiri weZanu PF, VaPhelekezela Mphoko.

Amai Mujuru nemurume wavo muchakabvu General Solomon Mujuru vari kupomerwa mhosva yekuda kuita mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, kafiramberi. Amai Mujuru vanonziwo vaiita zvehuori.

Asi Amai Mujuru vanoti mashoko aya ndeemugotsi matsuro.

Mumashoko avo kuvatori venhau neChina, Amai Mujuru vati vanokatyamadzwa kuti Politburo inopedza nguva ichishora mushakabvu General Mujuru ichitadza kutaura nyaya dzenzara yabata nyika uye kupambwa kwevanorwira kodzero dzevanhu, VaItai Dzamara.

VaGumbo vanoti Amai Mujuru vanoti vakavadzinga muZanu-PF havana vanhu vari kuvatsigira.

Hurukuro naVaRugare Gumbo
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

NeChitatu vakafanobata chigaro chemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakaudza vatsigiri vebato ravo kuMucheke Stadium kuMasvingo kuti Amai Mujuru nevamwe vavo vari kutambisa nguva.

Hatina kukwanisa kubata VaMnangagwa kana mutauriri webato, VaSimon Khaya Moyo, kuti tinzwe pamire bato ravo.

Asi nhengo yePolitburo yeZanu-PF, VaMunyaradzi Paul Mangwana, vanoti vanotsigira Amai Mujuru vari kutambisa nguva.

Hurukuro naVaMunyaradzi Paul Mangwana
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG