Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, neChitatu vakumbira vanhu vemabhizimisi vemuSouth Africa kuti vauye kuzotanga mabhizimisi muZimbabwe.
VaMugabe vakapinda muSouth Africa neChipiri murwendo rwavo rwekutanga kubva muna 1994 vachishanyira South Africa kunoita misangano pakati pavo nemutungamiri wenyika iyi, VaJacob Zuma.
VaMugabe vari kuperekedzwa nemudzimai wavo, Amai Grace Mugabe, pamwe nemakurukota avo ehurumende ane chitsama.
Vakuru vezvemabhizinesi vari muhurongwa uhu.
Vachitaura nevatori venhau muPretoria, VaMugabe vati Zimbabwe ine zviwanikwa zvakawanda asi inoda rubatsiro rweSouth Africa kuti iwane chouviri. Vatiwo hukama hweZimbabwe neSouth Africa hunofanira kusimbaradzwa.
Vane ruzivo nezvaitika muSouth Africa vanoti pane zvibvumirano munyaya dzekudyidzana zvanyoreranwa pakati peZimbabwe ne South Africa.
VaMugabe vanonzi vanyomba vatori venhau vanovati vanotonga nedemo.
Vachitaura panyaya yekubviswa kwezviumbwa zvamuchakabvu, Cecil Rhodes, muSouth Africa, VaMugabe vati Zimbabwe haisi kuzovafukunura pavakaradzikwa.
Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaBlessing Vava, vanoti rwendo rwaVaMugabe rwakakosha sezvo Zimbabwe neSouth Africa dzichitengeserana zvakanaka.