Accessibility links

Breaking News

Bopoto muZanu-PF Roramba Kupera


WARRING: First Lady Grace Mugabe and Vice President Joyce Mujuru (Collage by Ntungamili Nkomo)
WARRING: First Lady Grace Mugabe and Vice President Joyce Mujuru (Collage by Ntungamili Nkomo)

Zvinhu zvaramba zvakaita manyama amire nerongo mubato reZanu-PF umo vamwe vanonzi vakaoma musoro vave kuti vaive mutevedzeri wemukuru webato, Amai Joice Mujuru, avo vakadzingwa mubato, vasungwe nenyaya dzavari kupomerwa dzekuti vaida kupfuudza mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe nekuti vaiita zvehuori.

Asi Amai Mujuru vagara vachiramba nyaya dzavari kupomwerwa idzi.

Mashoko ekuti Amai Mujuru vari kusangana nevamwe vakadzingwa uye vakarwa hondo yerusununguko vachifungidzirwa kuti vangangovambe bato rezvematongerwo enyika yapa kuti muZanu-PF muite kugedageda kwememo.

Politiburo yeZanu-PF yakabudawo negwaro riri kupomera mushakabvu General Solomon Mujuru nemudzimai wavo mhosva yekuda kubvisa VaMugabe pachigaro.

General Mujuru vakafa vachitsvira mumba nenzira isina kutsarukana muna 2011.

Mukoma waVaSolomon Mujuru, VaJoel Mujuru, vati vachagara pasi nemhuri kuti vapindure mashoko aya avati avakatyamadza zvikuru.

Hatina kukwanisa kubata sachigaro wekomiti yePolitburo yakabuda negwaro iri vari zvakare mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaPhelekezela Mphoko.

Vakarwa hondo yechimurenga uye vaive muZANLA command, VaBernad Manyadza, vanoti vanhu vakangoita zvekupfekera muZanu-PF ndivo vokonzera mutauro.

Hurukuro naVaBernard Manyadza
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG