Accessibility links

Breaking News

Zanu-PF Inodzinga Zvachose Amai Joice Mujuru


Politburo yeZanu-PF neChina yakadzinga mubato vaimbove mutevedzeri wemutungamiri wenyika uye webato iri, Amai Joice Mujuru, ichivapomera mhosva yekusaterera.

Mutauriri weZanu-PF, VaSimon Khaya Moyo, vatenda kuti Amai Mujuru vadzingwa mubato.

Asi vanositaura vakamirira Amai Mujuru nevamwe vakadzingwa muZanu PF, VaRugare Gumbo, avo vaive mutauriri weZanu-PF, vanoti ivo nevamwe vavo havatambire kuti vakadzingwa mubato iri.

Vati vachataura naAmai Mujuru neChishanu nezvenyaya iyi.

Hatina kukwanisa kubata Amai Mujuru kuti tinzwe nezvenyaya iyi.

Amai Grace Mugabe vange vachinzi vari kurwara nechirwere chegomarara vakapinda mumusangano uyu wakatora maawa manomwe pamuzinda weZanu-PF muHarare.

Politburo yakatiwo dzimwe nhengo dzose dzemubato dzainge dzambomiswa basa dzinofanira kuramba dzakamiswa.

Nhengo idzi dzinosanganisa masachigaro ematunhu mapfumbabwe anoti, vakatodzingwa mubato kare, VaTemba Mliswa (Mashonaland West), VaJames Mushore (Mashonaland Central) VaRay Kaukonde (Mashonaland East), VaAmos Midzi (Harare), VaJohn Shumba Mvundura (Manicaland), VaJason Machaya (Midlands), VaKalisto Gwanetsa (Masvingo), VaAndrew Langa (Matabeleland South) and VaCallistus Ndlovu (Bulawayo).

Vamwe vakuru vakuru mubato reZanu-PF vaudza Studio7 kuti Amai Mujuru vadzingirwa nyaya yekuti vanhu vanonzi nebato vanodyidzana navo, VaMutasa naVaGumbo, vakaendesa bato iri kumatare vachiti kongiresi yaro yemuna Zvita haina kuitwa zviri pamutemo.

Amai Mujuru vakadzingawo kuva mutevedzeri wemutungamiri wenyika muna Zvita.

Amai Mugabe ndivo vakatanga rwiyo rwekuti Amai Mujuru vaiita zvehuori uye kuda kupidigura VaMugabe nechisimba.

Asi Amai Mujuru vanoti zvose izvi ndezvemugotsi matsuro.

XS
SM
MD
LG