Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Voshorerwa Kusagara Pasi Mudziamai Ari Muchipatara


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vave kushorwa zvikuru nevamwe vanhu munyika nenyaya yekuramba vachienda kunyika dzakasiyana siyana kunyange hazvo mudzimai wavo, Amai Grace Mugabe, ari kunzi ari kurwara nechirwere chinofungidzirwa kuti ndechegomarara iro vari kurapwa kuDubai.

Bepanhau reZimbabwe Independent rakaburitsa mashoko ekuti Amai Mugabe vari kusimbirwa nechirwere chegomarara.

Mutauriri waVaMugabe, VaGeorge Charamba, uye gurukota rezvedzidzo yepamusoro, Amai Oppah Muchinguri Kashiri, vakatendawo kuti Amai Mugabe vari kurwarwa kunyange vasina kuzivisa chirwere chacho.

Amai Mugabe ndivo mutungamiri wesangano remadzimai mu Zanu-PF, reWomens League, uye vanonzi vakamira mira kuti VaEmmerson Mnangagwa vatore chigaro chemutevedzeri wemutungamiri wenyika kubva kuna Amai Joice Mujuru.

Nyanzvi munyaya dzezvekudyidzana nedzimwe nyika uye vaimboshanda kumuzinda weZimbabwe kuEthiopia, VaClifford Mashiri, vanoti mhuri yeZimbabwe ine kodzero yekuziva nezvehutano hwevatungamiri wavo.

Hurukuro naVaClifford Mashiri
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG