Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Lawyers for Human Rights Inoti Mauto Ngaabve Muhofisi yeMuchuchisi


VaJohannes Tomana
VaJohannes Tomana

Sangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights, ZLHR, rinoti riri kushushikana zvikuru nenyaya yevakuru vemauto avo vanonzi vari kushanda kuhofisi yemuchuchusi mukuru wehurumende.

Sangano iri rinoti izvi zvinotyora bumbiro remitemo.

Nyaya yemauto anoshanda kuhofisi yemuchuchusi mukuru wehurumende yakabuda apo mutevedzeri wemuchuchusi mukuru, Amai Florence Ziyambi, vakakwira kumatare vachiti vainge varohwa mwedzi wapera nemumwe mukuru wemauto, Colonel Solomon Siziba, kuhofisi yavo.

Zvinonziwo mumapepa aAmai Ziyambi ari mumaoko memapurisa kune vamwe vakuru vekumauto Major Msipa na Major Manyeruke vari kushanda kuhofisi yekuchuchisa iyi.

ZLHR inoti uku kutyora bumbiro remutemo rinoti mauto nemapurisa anofanira kudaidzwa chete kana paita dambudziko guru kana kuti State of Emergency. ZLHR inotiwo yakatoendesa hurumende kumatare nenyaya yekushandisa mapurisa mukuchuchisa nyaya.

ZLHR yakurudzirawo komiti yeparamende inoona nezvemitemo kuti iongororo nyaya iyi. Sachigaro wekomiti iyi, Muzvare Jessie Majome, vaudza Studio 7 kuti vakatodaidza bazi rezvekuchuchisa kudare uye vanoda kusimudza nyaya yemauto vakasununguka kuita izvi.

Hatina kukwanisa kubata muchuchusi mukuru wehurumende, VaJohannes Tomana, sezvo vange vasingadaire nharembozha yavo.

Gweta rinoshanda nesangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights, Muzvare Roselyn Hanzi, vanoti zviri kuitwa nemauto hazvitarisirwe munyika ine hutongo wejekerere.

Hurukuro naMuzvare Roselyn Hanzi
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG