Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeMDC Renewal Team Dzodzingwa Mudare reParamende


Dare reparamende neChipiri rakadzinga nhengo makumi maviri neimwe kubva kumatare eSeneti neNational Assembly zvichitevera kudzingwa kwadzo mubato reMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai gore rapfuura.

Nhengo ina dzakadzingwa kubva kuSeneti kwozoti makumi manomwe nenomwe dzikadzingwa kubva kuNational Assembly. Aka ndekekutanga dare iri richidzinga nhengo dzakawanda kudai kubva pakawana Zimbabwe rusunguko muna 1980.

Kudzingwa kwenhengo dzeMDC Renewal kunotevera tsamba yakanyorwa kudare iri nemunyori mukuru weMDC T VaDouglas Mwonzora masvondo maviri apfuura vachizivisa dare iri kuti nhengo idzi dzainge dzisisamirire zvido zvebato ravo muparamande.

Vachitura mutongo wavo, mutauriri weNational Assembly, VaJacob Mudenda vakati nhengo idzi dzakadzingwa pachitevera chikamu chebumbiro remutemo chinoti munhu anomira kuve nhengo yadare iri kana achinge abuda kana kumiswa kuve nhengo yebato raaimirira apo akasarudzwa kupinda mudare reparamende.

Vanoti apo vakambonzi vape mutongo panyaya iyi gore rapfuura, havana kukwanisa kuita izvi sezvo painge paine makakatanwa ekuti ndiyani aitungamira MDC T.

Asi vati pari zvino zvave pachena sezvo nyaya dzaive kumatare dzakabviswa uye chikwata chenhengo dzadzingwa dzisina kumisa musangano weMDC T wekusarudza vatungamiri wakaitwa muna Zvita gore rapera ukatora danho rekuvadzinga mubato iri.

Vatiwo chikwata ichi hachina kupikisa zvakabuda mumusangano uyu vakati pasina izvi vaona zvakakodzera kuti vadzinge nhengo idzi mudare iri.

Vati vachazivisa mutungamiri wenyika pamwe nevekomisheni inoona nezvesarudzo kuti mugoitwa sarudzo mumatatunhu ese aya.

Vadzingwa vanosanganisira VaTendai Biti (Harare East) , VaWillias Madzimure ( Kambuzuma), Amai Lucia Matibenga (Kuwadzana), VaPaul Madzore (Glen View) VaSolomon Madzore (Dzivaresekwa), VaBekitemba Nyathi (Mpopoma Pelandaba), VaRegie Moyo (Luveve), VaAlbert Mhlanga (Pumula), VaMoses Manyengavana (Highfield West), VaSamuel Sipepa Nkomo (Lobengula), Amai Roseline Nkomo, (Tsholotsho North), VaSettlement Chikwinya (Mbizo), VaGorden Moyo (Makokoba), VaAnorld Tsunga (Dangamvura) , Amai Evelyn Masaiti, Judith Muzhavazhe na Amai Gladys Mathe avo vaimirira Harare, Masvingo neBulawayo pasi pechirongwa chevanosarudzwa nehuwandu hwevanhu vanenge vachota kana kuti Proprotional Representation.

Vadzingwa kuSeneti ndaAmai Rorina Muchihwa vaimirira Chikomo, Amai Sekai Hollanda vaimirira Chizhanje, VaWatchy Sibanda veMatabeleland South naVaPatrick Chitaka vekuManicaland.

Vachitaura nevatori venhau mushure mekudzingwa kwavo VaSolomon Madzore vati vanotambira mutongo waVaMudenda pari zvino asi vakati dare ravo richatora matanho.

Amai Muchihwa vati vanotambira zvaturwa nedare reparamende asi vakati vakati dambudziko rapinda mubato reMDC T rinofanira kugadziriswa.Mutauriri weMDC Renewal VaJacob Mafume vashora mutongo wapihwa neparamende vakati vachukwikwidzw kumatare edzimhosva.

Zvichakadai vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika vanoti zvakaitika neChipiri zvinosiya bato rinopikisa risina simba mudare uye vakati zvinodzikisa mukana wekuti masangano anopikisa abatane kuti arwise Zanu PF munguva yesarudzo dzemuna 2018.

Mukuru weMedia Centre Earnest Mudzengui vanoti kunyange hazvo bato reMDC T rakati harisi kuzopinda musarudzo dzemaby-elections, vanoona bato iri richikwikwidza sezvo sarudzo dziri kuitwa mumaguta munova munerutsigiro rwebato iri rwakanyanya.

Kusvika parizvino pave nenhengo dzeparamende makumi maviri nenhatu dzadzingwa mushure mekunge Zanu PF yadzinga VaDidymus Mutasa naVaTemba Mliswa mwedzi wapfuura.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutauriri weMDC Renewal Team VaJacob Mafume vati vachapikisa mutongo uyu.

Hurukuro naVaJacob Mafume
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi mutauriri weMDC-T VaObert Gutu vati VaMudenda vabaya dede nemukanwa.

Hurukuro naVaObert Gutu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG