Accessibility links

Breaking News

Amai Dzamara Vobvunzurudzwa neMapurisa


Mudzimai wemurwiri wekodzero dzevanhu akapambwa neMuvhuro, VaItai Dzamara, Amai Sheffra Dzamara neChitatu vambobvunzurudzwa nemapurisa nezvekupambwa kwemurume wavo.

Magweta aVaDzamara ari kushanda nesangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights neChina anoti mapurisa ambobvunzurudza mudzimai waVaDzamara kuHarare Central Police Station nezvavakaona kana kunzwa nezvemukupambwa kwemurume wavo.

Magweta anotiwo neChishanu mutongi wedare repamusoro, VaDavid Mangota, vachanzwa nyaya yakakwidzwa kudare nemagweta yekuti kana paine munhu akapamba VaDzamara, amuuyise kudare kana kumusunungura.

Rimwe gweta ravadzamara, VaCharles Kwaramba, vanoti vari kushushikana zvikuru nenyaya yekuti hapana anoziva kuna VaDzamara.

Hurukuro naVaCharles Kwaramba
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, sangano remubatanidzwa wenyika dzemueurope, reEuropean Union, hurumende yeSwiterland neNorway dzaburitsa mashoko kuvatori venhau nhasi dzichiti dziri kushushikana zvikuru nekupambwa kwaVaDzamara.

EU inoti iri kuda kuti hurumende yeZimbabwe ione kuti VaDzamara vadzorwa vari vapenyu uye Zimbabwe yatevedzera bumbiro remitemo yaro.

Asi vachitaura neStudio 7 mutauriri weZanu-PF, VaSimon Khaya Moyo, vati bato ravo harinei nechekuita nekupambwa kwaVaDzamara. Vati vanhu vanofanira kuregedza mapurisa achiferefeta nyaya iyi.

Asi mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vakaudza vatori venhau kuti kupambwa kwaVaDzamara kune chekuita nehurumende yeZanu-PF.

Mutauriri waVaTsvangirai, VaLuke Tamborinyoka, vaudza Studio 7 kuti hurumende yeZanu-PF yapindwa nekutya kukuru sezvo iri kutyira kuti MDC-T inogona kuratidzira zvakasimba ichitsutsumwa kupambwa kwaVaDzamara.

VaTamborinyoka vanotiwo vakarohwa zvakaipisisa nemapurisa pamuzinda weHarvest House neChitatu.

Hurukuro naVaLuke Tamborinyoka
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG