Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Voshora Kupambwa kwaVaDzamara


Mutungamiri we MDC, VaMorgan Tsvangirai, vashora zvikuru kupambwa neMuvhuro kwemurwiri wekodzero dzevanhu, VaItai Dzamara.

VaTsvangirai vati vakatambira runhare neMuvhuro kubva kumudzimai waVaDzamara, Amai Sheffra Dzamara, achivaziviswa nezvekupambwa kwemurwiri wekodzero dzevanhu uyu.

Vati ivo nebato ravo vari kushushikana zvikuru nekupambwa uku, vakati VaDzamara vakapa mashoko erutsigiro pakaita MDC musangano wayo neMugovera.

VaTsvangirai vati mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe nehurumende yavo ndivo vanoziva kwavakaisa VaDzamara. Vatiwo VaMugabe, avo vanova sachigaro we African Union ne SADC, havafanirwe kuramba vari mutungamiri wenyika inopamba zvizvarwa zvayo.

VaTsvangirai, avo vanga vachifanirwa kucherechedza zuva rekuberekwa kwavo neChipiri, vati havana kuisa mari parutivi yekupemberera zuva rekuberekwa kwavo. Mashoko aya anenge anga akanangana naVaMugabe avo vakaita bhavhadhe rakadya mari yakawanda uku nyika ichidya nhoko dzezvironda.

Asi VaTsvangirai vati vatora mukana uyu kushoropodza hurumende nekwavanoti kupamba kwayakaita VaDzamara, vanova mutungamiri wesangano re Occupy Africa Unity Square.

Mutungamiri weMDC atorawo mukana wekuyeuchidza veruzhinji kupambwa nekupondwa kwakaitwa magamba eMDC akaita samuchakabvu Tonderai Ndira, Tichaona Chiminya na Beta Chokururama nevamwe.

VaTsvangirai vaudza veruzhinji kuti nyika yose inofanirwa kubatana nebato ravo mukumanikdza hurumende kuti ibude pachena panyaya ya VaDzamara.

Zvichakadaro, mutauriri wemapurisa, Senior Assistant Commissioner Charity Charamba, vaudza Studio 7 kuti mapurisa asumwa nezvekupambwa kwaVaDzamara uye atanga kuferefeta nyaya iyi.

Mumiriri weEuropean Union-muZimbabwe, VaPhillipe Van Damme, vaudzawo Studio 7 kuti vari kushushikana zvikuru nekushaikwa kwaVaDzamara.

VaVan Damme vati havo vari kuBelgium pari zvino asi vati hofisi yavo muZimbabwe iri kuenderera mberi ichiferefeta nyaya iyi.

EU yakatanga kudyidzana neZimbabwe gore rino kunyange hazvo vamwe vanorwira kodzero dzevanhu vange vachichema chema kuti EU yakakurumidza kumedza kutsenga ichada panyaya yekudyidzana neZimbabwe.

Vanhu ava vanoti nyaya yekodzero dzevanhu uye kusaremekedzwa kwebumbiro remitemo kuri kuenderera mberi muZimbabwe nokudaro EU haifanirwe kudyidzana naVaMugabe.

Mukuru wesangano rinorwira kodzero dezevanhu remuamerica, reRobert F. Kennedy Centre for Human Rights, Amai Kerry Kennedy, vashorawo zvakanyanya kupambwa kwaVaDzamara.

Amai Kennedy vati zviri kuitwa nehurumende yeZimbabwe zvinhu zvinoshoresa.

Vatiwo VaMugabe, sachigaro weAfrican Union vanofanira kuita zvinhu zvinoyemurwa nevamwe kwete kutoenda pamberi nekutyora kodzero dzevanhu

Sangano iri ratiwo mapurisa emuZimbawe nevasori vane nhoroondo yekutyora kodzero dzevanhu.

Mudzimai waVaDzamara, Amai Sheffra Dzamara, vanoti vari kuda kuti murume wavo adzoke kumba ari mupenyu.

Hurukuro naAmai Sheffra Dzamara
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

VaDzamara vakapambwa mumba inogerwa vanhu muHarare ndokuendwa navo vari mumotokari yemhando rwe Isuzu.

Sangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights rinoti rakwirawo kudare repamusoro reHigh Court richiti mapazi ehurumende ane chekuita nekuchengetedzwa kwenyika anofanira kutaura kuti VaDzamara varipi kana vari ivo vakavapamba.

Hurukuro naVaDzimbabwe Chimbga
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG