Accessibility links

Breaking News

Amai Mahofa Votenda VaMugabe neMudzimai Wavo


Gurukota idzva rinoona nezvedunhu reMasvingo, Amai Shuvai Mahofa, vanoti vanotenda zvikuru mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nemudzimai wavo, Amai Grace Mugabe, nekudoma kwavakavaita kuti vave gurukota.

Amai Mahofa vari kutsiva VaKudakwashe Bhasikiti avo vakangoyerekana vadzingwa basa nemutungamiri wenyika VaMugabe.

Amai Mahofa vanoti vachatsvaga rimwe purazi rekuti vagarise patsva vanhu vakabviswa kuTokwe Mukosi vachimbonogara kuChingwizi vasati vaendeswa kuNuanetsi Ranch uko kunonzi hakusi kugarika nekuti hakuna mvura, uye kune malaria nemabuwe nenyoka zviri kuruma vanhu vachifa.

Hurukuro naAmai Shuvai Mahofa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG