WASHINGTON —
Gurukota idzva rinoona nezvedunhu reMasvingo, Amai Shuvai Mahofa, vanoti vanotenda zvikuru mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nemudzimai wavo, Amai Grace Mugabe, nekudoma kwavakavaita kuti vave gurukota.
Amai Mahofa vari kutsiva VaKudakwashe Bhasikiti avo vakangoyerekana vadzingwa basa nemutungamiri wenyika VaMugabe.
Amai Mahofa vanoti vachatsvaga rimwe purazi rekuti vagarise patsva vanhu vakabviswa kuTokwe Mukosi vachimbonogara kuChingwizi vasati vaendeswa kuNuanetsi Ranch uko kunonzi hakusi kugarika nekuti hakuna mvura, uye kune malaria nemabuwe nenyoka zviri kuruma vanhu vachifa.