Accessibility links

Breaking News

Vashandi Voramba Kudzikisirwe Mari Dzavanotambira


Masangano evashandi vehurumende anoti haasi kuzotambira kurudziro iri kupihwa nemukuru webazi reZimbabwe Revenue Authority, VaGershom Pasi, yekuti vashandi vasawedzerwe mari gore rino uye kuti mari yecho idzikiswe kuitira kuti hupfumi hwenyika hugadzirike.

Pfungwa iyi yakataurwawo nagavhuna webhanga guru renyika, VaJohn Mangudya,

Vakuru mumasangano akaita seApex Council, Zimbabwe Teachers Association, Zimbabwe Doctors Association ne Zimbabwe Nurses Association anoti haasi kuzotambira kurudziro iri kupihwa iyi.

Nyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika dzinoti hadzisi kuzivawo kuti vashandi vehurumende vakawedzerwa sei kubva pamazana maviri nemakumi mashanu ezviuru munguva yehurumende yemubatanidzwa kusvika mazana mashanu nemakumi mashanu nemana ezviuru gore rino.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi uye vari mukuru wesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaGodfrey Kanyenze, vanoti nyaya iyi inokonzera kusawirirana pakati pehurumende nevashandi.

Hurukuro naVaGodfrey Kanyenze
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG