Accessibility links

Breaking News

Masangano Akazvimirira Anoti ZEC Ngaiputswe


Justice Rita Makarau
Justice Rita Makarau

Mutungamiri we Movement for Democratic Change, VaMorgan Tsvangirai, vabatana nevamwe vezvematongerwo enyika, masangano akazvimirira nevanorwira kodzero dzevanhu, mukunyora gwaro renyunyuto vachiti havasi kufara nebasa riri kuitwa nesangano rinoona nezvesarudzo reZimbabwe Elctoral Commission kana kuti ZEC.

Munyori mukuru muMDC-Renewal Team, VaTendai Biti, vakaisawo ruoko rwavo pagwaro iri.

Zvinhu hazvina kumirira zvakanaka muZEC kubva mapato makuru anopikisa zvaakatanga kuramwa kupinda musarudzo achiti haasi kufara nemabasa esangano iri.

Mwedzi wapera bato reMDC-T rakati rinoda gwaro revavhoti rakashandiswa musarudzo dzemuna 2013 kubva kuZEC asi haina kuripihwa.

Izvi zvakapa kuti MDC-T iende kudare ichiti sarudzo hadzingarambe dzichiitwa vanopikisa vasingapihwe gwaro revavhoti.

Bato iri rakatiwo rinoda kuti sarudzo dzose dzimiswe kusvika mapato ose apihwa gwaro iri. Vachitaura mudare reparamende neChitatu, sachigaro ve ZEC, Amai Rita Makaru, vakati kutanga musarudzo dzema by-elections dzichaitwa mwedzi unouya mapato ose anenge opihwa gwaro revavhoti paine nguva.

Vakatiwo nyaya yekusagadziriswa kwemitemo yesarudzo kuti ienderana nebumbiro remitemo iri kupa kuti zvinhu zviomere zec sezvo yave kugara ichiendeswa kumatare.

Sangano reNational Youth Action Alliance ndiro riri kutunganira hurongwa uhu.

Sangano iri mubatanidzwa wemasangano anodarika makumi maviri.

Chinangwa chetsamba yenyunyuto iyi ndechekuti sangano reZEC risiye basa nekuti riri kunyanya kurerekera kuZanu-PF.

Sachigaro weNational Youth Action Alliance, VaGilbert Mutubuki, vanoti havasi kufara zvachose nemabasa eZEC.

Hurukuro naVaGilbert Mutubuki
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG