Accessibility links

Breaking News

VaGumbo Vanoti VaMngangagwa naVaChinamasa Vari Kufurira VaMugabe


Gumbo
Gumbo

Vaimbova mutauriri weZanu-PF, VaRugare Gumbo, vashora zvikuru mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, negurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vanova magweta vose, vachiti vanofurira mutungamiri webato iri uye vari mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, avo vari kuti vasina kufara nekongiresi vasaende kumatare.

VaGumbo nevaiona nezvekufambiswa kwemabasa, VaDidymus Mutasa, vanoti vari kuda kuenda kudare repamusoro kunopikisa zvakabuda pakongiresi muna Zvita.

Asi gweta, VaTerrence Hussein, avo vanombomirira VaMugabe munyaya dzakawanda, vaudza Studio7 kuti vanotsigira mashoko aVaMugabe nekuti mapato ezvematongerwo enyika akafanana nechechi yaVaEmmanuel Makandiwa yekuti anenge asiri kufara akasununguka kubuda kana kuumba yake.

Asi rimwe gweta rinorwira kodzero dzevanhu, VaAlec Muchadehama, vanoti bumbiro remutemo wenyika rinopa munhu wose kodzero yekuenda kudare kunyange nhengo dzemapato ezvematongerwo enyika.

Hatina kukwanisa kubata VaMnangagwa kana VaChinamasa sezvo nharembozha dzavo dzange dzisiri kudairwa.

Asi VaGumbo vaudza Studio 7 kuti havasi kuzodzokera kumashure panyaya yekuenda kumatare.

Hurukuro naVaRugare Gumbo
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG