Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vanoti Vari Kupokana Navo muZanu PF Havafanire Kuenda kuMatare


Bato reZanu-PF neChitatu rakaita kuita musangano wePolitiburo pamuzinda waro weZanu-PF Headquarters muHarare.

Nhepfenuro yeZBC inoti mutungamiri webato, uye vari mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakati hapana nhengo yebato inofanira kuenda kumatare kana isiri kuwirirana nezvakaitwa nebato.

VaMugabe vakataura mashoko aya mushure mekunge vaiona nezvekufambiswa kwemabasa mubato, VaDidymus Mutasa, nevamwe vati havasi kutambira zvakabuda kukongiresi yakaitwa muna Zvita.

VaMutasa nevamwe vavo vari kuronga kuenda kumatare. Asi magweta anorwira kodzero dzevanhu anoti hapana chinomisa VaMutasa nevamwe vavo kuenda kumatare.

Vamwe mubato reZanu-PF vanoti VaMutasa vanofanira kudzingwa mubato vachipomerwa mhosva yekushora vakuru vebato.

Nyaya iyi yainge ichifanira kuzeyiwa asi zviri kunetsa nekuti imwe nhengo yekomiti iri kuongorora nyaya yavo, uye vari mutungamiri weWomens League, Amai Grace Mugabe, havasati vadzoka kuzororo mushure mekuoparetwa kunyika dzekumawirira.

Munyori wevechidiki muZanu PF, VaPupurai Togarepi, vakaudzawo Politiburo kuti vachiri kuda rubatsiro rwekuti vakwanise kuitira VaMugabe bhavhudhe. Bhavhudhe raVaMugabe ririko musi wa 21 Kukadzi, uye mhemberero dzichaitirwa kuVictoria Falls.

Vachitaura nezvehupfumi, vanoronga mabasa mubato, VaSaviour Kasukuwere, vakati vanhu vanofanira kubatana mubato kuitira kuti chirongwa cheZIMASSET chibudirire.

Hatina kukwanisa kubata mutauriri weZanu-PF, VaSimon Khaya Moyo, avo vanzi vange vachiri mumusangano uyu.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vachitungamira sangano reZimbabwe Democracy Institute, VaPedzisayi Ruhanya, vanoti nyaya yekuti vanhu vanogara pasi kutaura nezvebhavhudhe mucherechedzo wekuti vanhu veZanu-PF havazivi kuti vogadzirisa sei hupfumi hwenyika.

Hurukuro naVaPedzisayi Ruhanya
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG