Accessibility links

Breaking News

Kupinda Munyika kweMabhizimisi Kofadza ZNCC


Sangano reZimbabwe National Chamber of Commerce, ZNCC, rinoti riri kufara nekupinda munyika kwevemabhizimisi vekunze kubva kuChina neBritain nedzimwe nyika.

NeMuvhuro mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakasanga kuState House muHarare nechikwata chemabhizimisi chakatumwa nehurumende yeChina. Chikwata ichi chiri kutungamirwa nakanzura wehurumende yeChina, VaYang Jiechi.

Vakuru vehurumende vanoti China iri kuda kuti paitwe hurukuro nezvekuona kuti pangazadzikiswe sei zvibvumirano zvakanyoreranwa pasi gore rapera pakati peChina neZimbabwe mushure mekunge VaMugabe vashanya kunyika iyi .

Svondo rino pari kutarisirwawo kupinda munyika chikwata chevamabhizimisi kubva kuBritain kwozoti muna Kubvumbi kwouya chikwata chinobva kuBelgium.

Zimbabwe inoda mari inosvika mabhiriyoni makumi maviri nemanomwe kuti chirongwa chayo chezimasset chekugadzirisa hupfumi chibudirire.

Asi vakuru vehurumende nevemabhizimisi vanoti nyaya yemutemo wekuendesa hupfumi kuvatema ndiyo iri kukonzera kusagadzikana, sezvo vakawanda vari kuti hauna kujeka.

Mutevedzeri wemutungamiri weZNCC, VaDavison Norupiri, vanoti vane chivimbo kuti zvinhu zvichatanga kufamba munyaya dzemabhizimisi sezvo vari kugona kutsanangura kuti chirongwa chekuendesa hupfumi kuvatema chiri kufamba sei.

Hurukuro naVaDavison Norupiri
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zimbabwe yave kutanga kudyidzana nenyika dzekumawirira mushure mekunge yamborimbirana kumuganhu nenyika idzi ichinzi inotonga nedemo. Asi Zimbabwe inoti yakatemerwa zvirango nenyaya yekuti yainge yapa ivhu kuvatema ichitorera vachena.

XS
SM
MD
LG