Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Vobvunza Kuti VaMugabe Voramba Vachitonga Here?


Zimbabwe Mugabe Fall
Zimbabwe Mugabe Fall

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, neChina vakange vari sachigaro wedare remakurukota semazuva ose pamusangano wakaitirwa kumahofisi avo eMunhumutapa muHarare panguva iyo vakawanda vanga vachitarisira kuti vanogona kutadza kuenda kubasa.

VaMugabe vakakanganisa kutsika panhandare yendege neChitatu zvakapa kuti vagwadame pasi mushure mekutaura nevatsigiri vavo paHarare International Airport.

Mutauriri waVaMugabe,VaGeorge Charamba, vakaudza bepanhau reHerald kuti VaMugabe neChina vakange vachitozvifambira uye VaMugabe mbune vati vari kunzwa zvakanaka.

Kunyange VaMugabe vari kuti vari nani, munyika hamuna kutenderana kuti vanokwanisa here kuramba vachitungamira nyika ivo vari kusvitsa makore makumi mapfumbamwe nerimwe musi wa 21 Kukadzi.

VaMugabe ndivo mutungamiri anyanya kukwegura munyika dzose dzepasi rino.

Asi vanhu vane kodzero here yekutaura nezvehutano hwemutungamiri wenyika? Munyika zhinji dzine hutongo hwejekerere vanhu vanotaura nezvazvo.

Pasi pebumbiro remitemo reZimbabwe muchikamu chechi makumi mapfumbamwe nemanomwe, mutungamiri wenyika kana hutano hwake husisina kumira zvakanaka, asisakwanise kubata basa anopfanira kusiya chigaro.

Asi nhengo yeZanu-PF uye vaimbova mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaBright Matonga, vanoti VaMugabe vachiri vakasimba uye vakakunda musarudzo nekudaro vanhu vanofanira kuvasiya vachitonga.

Asi nyanzvi munyaya dzezvekudyidzana nedzimwe nyika uye vaimboshanda kumuzinda weZimbabwe kuEthiopia, VaClifford Mashiri, vanoti VaMugabe vakwegura uye vanofanira kuenda pamudyandigere.

Hurukuro naVaBright Matonga naVaClifford Mashiri
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG