Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vogara Vakabatira Hana Mumaoko kuManzou


Dare repamusoro neMuvhuro harina kutara zuva rekutanga kunzwa nyaya yakakwidzwa kudare nemagweta ari kumirira varimi vari paManzou avo vari kuda kunzi vabve papurazi iri kuitira kuti rigariswe mhuka.

Mhuka idzi dzinonzi dziri kuda kuchengetwa nemudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe.

Gweta revagari ava, VaTonderai Bhatasara, vainge vakwira kudare neChishanu vachigunu’una kuti hurumende yainge yaendesa mbizi papurazi iri idzo dzoonesa vanhu ava ndondo nekudya zvirimwa zvavo uye kutadzisa vana kutamba panze nekutya.

VaBhatasara vaudza Studio 7 kuti vachiri vakangomira negumbo rimwe kuti vanzwe kuti nyaya yavakapinza mudare ichanzwikwa riini.

Chikumbiro chavo kudare chaive chekuti mbizi mazana maviri dziri papurazi iri dzibviswe mumaawa makumi mana nemasere sezvo kudziendesa papurazi iri kwaive kutyora mutongo wedare rainge rati vanhu ava vasabviswe papurazi vasina kuwanirwa pamwe pekugara sezvinodiwa nebumbiro remitemo.

Vari kunzi vaite izvi igurukora rezvezviwanikwa, VaSaviour Kasukuwere, gurukota rezveminda, VaDouglas Mombeshora, gurukota rezvemukati menyika, VaKembo Mohadi, uye bazi rezvemhuka dzesangano, reZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority.

Hatina kukwanisa kubata makurukota aya kuti tinzwe divi ravo. Asi vagari ava vanoti vari kushushukana nekuti pane vanhu vauya neMuvhuro vachiti ndevekubazi rekuverengwa kwevanhu vachinyora mazita avo.

Mumwe mugari wepapurazi iri, VaTichaona Mabhuru, vanoti papurazi iri hapana mufaro sezvo vanhu vari kutya kuti mapurisa anogona kuuya kuzovashungurudza.

Hurukuro naVaTichaona Mabhuru
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG