Accessibility links

Breaking News

ILO Inoti Vasina Mabasa muZimbabwe Vosvika pa 5.42% Chete.


Bazi reUnited Nations reInternational Labour Orgnization, ILO, rinoti vanhu zvikamu zvishanu nezviga makumi mana nezviviri kubva muzana kana kuti 5, 42% ndivo vasina mabasa muZimbabwe.

Izvi zviri kukatyamadza vakawanda nekuti vanhu vazhinji muZimbabwe havana mabasa nekuda kwekuti makambani akawanda ari kuramba achivhara nekusamira zvakanaka kwakaita zvinhu munyaya dzezvehupfumi.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti vanhu vasina mabasa vave kutoda kusvika zvikamu makumi mapfumbamwe kubva muzana.

Hurumende munguva yesarudzo muna 2013 yaimbenge yavimbisa kuumba mabasa anosvika mamiriyoni maviri asi izvi zviri kuramba zvakakona n’anga murapwa achida.

Vanhu vakawanda vave kuzviitira mabasa avo vazhinji vachitengesa mumigwagwa uye vamwe vachinopotera munyika dzakapoteredza Zimbabwe.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaProsper Chitambara, vanoti vanhu vazhinji muZimbabwe vari kuzviitira mabasa avo asi havasi kubhadhara mutero zvopa kuti hurumende iomerwe nezvinhu.

Asi sachigaro weResource Exploaitation Watch, VaTafadzwa Musarar, vanoti zvataurwa neILO ndozvagara zvichitaurwa nebato reZanu-PF vakati zvinhu zvinofadza zvikuru.

Hurukuro naVaProsper Chitambara naVaTafadzwa Musarara
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG