Accessibility links

Breaking News

MDC Inoti Haisi Kuzopinda Musarudzo Pasina Kuvandudzwa Mutemo


Protagonists in the escalating Zanu PF power struggles, Justice Minister Emmerson Mnangagwa and Vice President Joyce Mujuru. Collage by Ntungamili Nkomo
Protagonists in the escalating Zanu PF power struggles, Justice Minister Emmerson Mnangagwa and Vice President Joyce Mujuru. Collage by Ntungamili Nkomo

Bato reMDC-T ne MDC Renwal Team anoti haasi kuzopinda musarudzo dziri kuitwa musi wa 27 Kurume dzekutsiva vaiva mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru, kuMt Darwn West, pamwe neVaEmmerson Mnangagwa kuChirumanzu-Zibagwe.

VaMugabe vanoti pasi pebumbiro remutemo idzva panofanira kunzi vaviri ava vawane anovatsiva.

Asi mutauriri weMDC Renewal Team, VaJacob Mafume, vanoti havasi kuzopinda musarudzo idzi kusvika pavandudzwa zvinhu zvinsanganisira mitemo yesarudzo.

Asi veMDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube vanoti pari zvino vane chisungo chavakaita kare chekuti vanopinda musarudzo dzose dzichaitwa munyika.

Vebato reNational Constitutional Assembly, NCA, vanotiwo vange vachipinda musarudzo dzemakanzura nokudaro vachazeya kuti vopinda here kana kuti kwete musarudzo idzi.

Mutauriri weMDC-T, VaObert Gutu, vanoti havasi kuzopinda musarudzo kana pasina kuvandudzwa mitemo yesarudzo. Vanoti vari mushishi kuronga musangano wemapato ose nevakazvimirira voga uye Zanu-PF inofanirwa kupindawo mumusangano kuitira kuti pakurukurwe zviri kunetsa munyika.

Hurukuro naVaObert Gutu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Kunyange hazvo hurumende yatara mazuva ekuti sarudzo idzi dziitwe, pane kupikisana pakati penyanzvi munyaya dzemutemo vamwe vachiti VaMugabe vakatotyora kare bumbiro remitemo apo vakatadza kudaidzira sarudzo pavakadoma Amai Mujuru semutevedzeri wavo gore rapera.

Nyanzvi idzi dzinoti sarudzo idzi dzaivafinrwa kuitwa mukati memwedzi mitatu kubva pakadomwa Amai Mujuru semutevedzeri wemutungamiri wenyika.

Asi muzvinafundo munyaya dzemitemo, uye vari mutungamiri weNCA, Va Lovemore Madhuku, vanoti VaMugabe vari kutyora mutemo nekuti Amai Mujuru havafanire kurasikirwa nechigaro chavo.

Hurukuro naVaLovemore Madhuku
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi gweta uye vari nhengo yeZanu-PF Politiburo, VaMunyaradzi Paul Mangwana, avo vaitungamira Zanu-PF mukunyora bumbiro idzva riri kushandiswa pari zvino, vanoti havawirirane naVaMadhuku zvachose vachiti bumbiro remitemo rakajeka uye rinotsigira VaMugabe.

Hurukuro naVaMunyaradzi Paul Mangwana
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG