Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe yoChema Muzvinafundo Terrence Ranger


Zimbabwe flag
Zimbabwe flag

Muzvinafundo Terrence Osborne Ranger avo vainge vari nyanzvi munyaya dzenhoroondo yeZimbabwe vakashaya neChishanu kuBritain.

Vakawanda munyika vanoti VaRanger vanofanira kuremekedzwa zvakanyanya nemabasa avo.

Sangano reBritish Zimbabwe Society raishanda nemufi ndiro rakazivisa nezverufu rwavo paFacebook.

Muzvinafundo Ranger vakapinda muSouthern Rhodesia muna 1957 mushure mekupedza zvidzidzo zvavo paOxford University muBritain.

Ivo nemudzimai wavo Shelagh, vakatanga kushoropodza hurumende yevachena yaidzvinyirira vatema, izvi zvakapa kuti vabva vadzingwa muRhodesia muna 1963.

VaRanger vakabva vaenda kuTanzania uko vakanoita sachigaro wezvedzidzo pachikoro chepamusorosoro cheDare es Salaam University, vakazonoshandawo kuzvikoro zvepamusoro soro zvinoti Manchester neOxford kuBritain.

Vari kuUniversity of Dar es Salaam vakashanda nemunyori ane mukurumbira zvikuru VaWalter Rodney vekuGuyana vakanyora bhuku rinonzi How Europe Underdeveloped Africa.

VaRanger vakadzoka mu Zimbabwe muna 1987 mushure mekuenda pamudyandigere. Vakadzidzisawo paUniversity yeZimbabwe kwemakore mana.

Asi pavakadzoka munyika apa vakabva vanyandurana zvekare nehurumende yeZimbabwe nenyaya yeGukurahundi iyo inonzi yakaurayisa vanhu vanodarika zviuru makumi maviri kuMatabeleland neMidlands.

VaRanger negamba renyika VaGuy Clutton-Brock vakaumba sangano reBritain Zimbabwe Society iro VaRanger vakatungamira kubva muna 2006 kusvika muna 2014.

Muzvinafundo Ranger vainge vachishandawo nesangano reAsylum Welcome kuBritain vachipikisa kudzoserwa kwevapoteri veZimbabwe kumusha kubva kuBritain.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika Dr Ibbo Mandaza vaudza Studio 7 kuti VaRanger vakabata basa guru mukuchengetedza nhorooondo yeZimbabwe kuburikidza nezvinyorwa zvavo.

Hurukuro naVa Ibbo Mandaza
please wait

No media source currently available

0:00 0:00:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mamwe mabhuku akanyorwa naMuzvinafundo Ranger anosanganisa, Revolt in Southern Rhodesia, 1896-97, Peasant Consciousness and Guerrilla War in Zimbabwe: A Comparative Study, Soldiers in Zimbabwe’s Liberation War, Are We Not Also Men? The Samkange Family and African Politics in Zimbabwe, Society in Zimbabwe’s Liberation War, Voices From The Rocks: Nature, Culture and History in the Matopos Hills of Zimbabwe, Violence and Memory: One Hundred Years in the ‘Dark Forests’ of Matabeleland ravakanyora na Jocelyn Alexander na JoAnn McGregor, Bulawayo Burning: The Social History of a Southern African City uye Writing Revolt: An Engagement with African Nationalism.

XS
SM
MD
LG