Accessibility links

Breaking News

Vanhu Makumi Masere neVasere Vanofa Munyodzi Mumigwagwa


Zimbabwe Police Accident
Zimbabwe Police Accident

Vanhu vakawanda vari kuramba vachifa munjodzi dzemumigwagwa pazororo rino rekisimusi zvichienzaniswa nevakafa panguva imweyo gore rapera.

Mapurisa anoti kubva musi wa 15 Zvita kusvika musi weMuvhuro, vanhu vanodarika makumi masere nevasere vakashaya munjodzi dzemumigwagwa.

Vanhu vanopfuura mazana matanhatu vakakuvara munjodzi dzinodarika chiuru nemakumi mashanu neina panguva iyi. Gore rapera panguva imweyo vanhu vanopfuura makumi masere nemumwe vakafa nedanbudziko iri.

Mutauriri wemapurisa, Chief Supritendent Paul Nyathi, vanoti vanhu vari kufa nenyaya yekuti vatyairi vakawanda vari kumhanyisa motokari mumigwagwa uye vamwe havasi kutevera mitemo.

Chief Supritendent Nyathi vanotiwo njodzi dzakawanda dziri kuitika husiku.

Mapurisa anoti munguva iyi vabvisawo mumigagwa motokari dzinodarika zviuru zviviri nemazana matatu nemakumi masere neshanu dazavanoti hadzina kukodzera kunge dziri mumugwagwa.

Mukuru weZimbabwe Traffic Safety Council, VaObio Chinyere, vanotiwo zvakakosha kuti vatyairi vasamhanyise motokari nekuti migwagwa haina kumira zvakanaka nekuda kwemakomba nezvimwe.

Hurukuro naVaObio Chinyere
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG