Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nezuro vakadoma vatevedzeri vavo vaviri VaEmmerson Mnangagawa naVaPhelekezela Mphoko.
Izvi zvinotevera kumiswa basa kwakaitwa vanga vari mutevedzeri waVaMugabe mubato nemuhurumende, Amai Joice Mujuru, vachivapomerwa mhosva dzakasiyana siyana dzisina hadzo humbowo hwakati tsvikiti uye dzisati dzaenda kumatare edzimhosva.
Asi kunyange muZanu-PF muri kuita mashura nezviratidzo, vana veZimbabwe vakawanda vari kutaura paStudio 7 nekunyora matsamba vari kuchema chema kuti hupfumi hwenyika hunofanira kugadziriswa.
Kudomwa kwaVaMnangagwa naVaMphoko kunoreva here kuti zvinhu zvave kuzochinja? Ko remangwana renyika rakamira sei tichitarisa vatungamiri ava?
Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaBlessing Vava, vanoti hapana chitsva chichaunzwa nevaviri ava.
Asi gweta, VaStephen Zvinavakobvu, vanoti zvakaitwa naVaMugabe zvichabatsira mukugadzirisa zvinhu sezvo vari kuunza vatungamiri vatsva.