Accessibility links

Breaking News

Kukosha kweVatevedzeri Vaviri Vakadomwa naVaMugabe Kozeyiwa


Mutungamiri weZanu PF, VaRobert Mugabe, nevatevedzeri vavo vaviri, VaPhelekezela Mphoko (L) naVaEmmerson Mnangagwa (R). Collage by Ntungamili Nkomo
Mutungamiri weZanu PF, VaRobert Mugabe, nevatevedzeri vavo vaviri, VaPhelekezela Mphoko (L) naVaEmmerson Mnangagwa (R). Collage by Ntungamili Nkomo

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nezuro vakadoma vatevedzeri vavo vaviri VaEmmerson Mnangagawa naVaPhelekezela Mphoko.

Izvi zvinotevera kumiswa basa kwakaitwa vanga vari mutevedzeri waVaMugabe mubato nemuhurumende, Amai Joice Mujuru, vachivapomerwa mhosva dzakasiyana siyana dzisina hadzo humbowo hwakati tsvikiti uye dzisati dzaenda kumatare edzimhosva.

Asi kunyange muZanu-PF muri kuita mashura nezviratidzo, vana veZimbabwe vakawanda vari kutaura paStudio 7 nekunyora matsamba vari kuchema chema kuti hupfumi hwenyika hunofanira kugadziriswa.

Kudomwa kwaVaMnangagwa naVaMphoko kunoreva here kuti zvinhu zvave kuzochinja? Ko remangwana renyika rakamira sei tichitarisa vatungamiri ava?

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaBlessing Vava, vanoti hapana chitsva chichaunzwa nevaviri ava.

Asi gweta, VaStephen Zvinavakobvu, vanoti zvakaitwa naVaMugabe zvichabatsira mukugadzirisa zvinhu sezvo vari kuunza vatungamiri vatsva.

Hurukuro naVaStephen Zvinavakobvu naVaBlessing Vava
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG