Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Voshora Amai Mujuru Vachiti Havangatonge Nyika


Seekor anak rubah dan anjing bermain di rumah perawatan hewan di Pomaz, Hungaria.
Seekor anak rubah dan anjing bermain di rumah perawatan hewan di Pomaz, Hungaria.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, neChipiri vakashora mutevedzeri wavo, Amai Joice Mujuru, vachiti havana chiremera nepfungwa chaidzo dzekuti vatungamire nyika.

VaMugabe vataura mashoko aya pakutanga kwemusangano wePolitburo yebato ravo muHarare mushure mekunge Amai Mujuru nevanoona nezvekufambiswa kwemabasa, VaDidymus Mutasa, vatadza kupinda mumusangano wePolitburo.

VaMugabe vaudza vaiva varwiri vehondo yerusununguko nevakuru vemauto kuti vaiziva havo kuti Amai Mujuru vaironga kuvapidigura pachigaro vachishanda neMDC nevekumawirira.

Asi vanoti tsoro iyi haina kushanda sezvo vanhu vacho vainge vasina kurongeka.

Pange pachiitwa musangano wePolitiburo, vamwe vatsigiri veZanu-PF vange vari panze vachiimba nziyo dzekunyomba Amai Mujuru nevanovatsigira vachiti vaida kuita VaMugabe kafiramberi.

Mapurisa anodzivirira mhirizhonga anonzi audzwa kuti agare akadzipakatira sezvo pari kutyirwa kuti panogona kuita mhirizhonga muZanu-PF.

Bato iri riri kuita kongiresi yaunza kunetsana kunotyisa pakati pevanonzi vanotsigira Amai Mujuru nevanonzi vanotsigira gurukota rezvemitemo, VaEmmerson Mnangangwa.

Sachigaro wevechidiki veZanu-PF muHarare, VaGodwin Gomwe, vanoti Amai Mujuru nevatsigiri vavo havasi kuzobvumidzwa kupinda kukongiresi yebato iri.

Vaimbova mutauriri weZanu-PF, VaRugare Gumbo, vanoti zviri kuna Amai Mujuru kuti vaende kukongiresi kana kuti kwete sezvo vari nhengo yebato.

XS
SM
MD
LG