Accessibility links

Breaking News

Kongiresi yeZanu PF Yotanga neChipiri Paine Mutauro Wakanyanya


Kongiresi yeZanu-PF iri kutanga neChipiri mubato iri muine kunetsana kunotyisa pakati pevanhu vanonzi vari kutsigira mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru, nevanonzi vari kutsigirawo gurukota rezvemitemo, VaEmmerson Mnangagwa.

NeMuvhuro vanonzi vari kutsigira VaMnangagwa vakaswera vachiita misangano munzvimbo dzakasiyana siyana dzenyika vachikurudzira vanhu kuti varambe kutambira Amai Mujuru pakongiresi.

Vamwe vevakarwa muhondo yechimurenga nevechidiki vasina kuda kudomwa nemazita vanoti vari kuda kuratidzira zvakasimba kuitira kuti Amai Mujuru vasatsike kukongiresi yebato.

Asi vechikwata chaAmai Mujuru vanoti vari kutya kuita musangano nekuti vari kuteerwa nevesangano revasori.

Bato reZanu-PF riri kuita musangano wePolitiburo neChipiri rozoita musangano weCentral Committee nemusi weChitatu.

Studio7 yatadza kubata mutauriri webato uye vari sachigaro, Va Simon Khaya Moyo, kuti tinzwe nezvehurongwa hwavo.

Asi vamwe vanotsigira VaMnangagwa, VaJustice Mayor Wadyajena, avo vanomirira Gokwe Nembudziya, vanoti ichokwadi kuti vari kukurudzira vanhu kuti vasatambire Amai Mujuru.

Gurukota rinoona nezvedunhu reMasvingo, VaKudakwashe Bhasikiti, avo vari kunzi ngavaburitswe muPolitiburo nekuti vanonzi vanotsigira Amai Mujuru vanoti vanhu vekuMwenezi vane chivimbo navo izvo zvakapa kuti vavhoterwe kupinda muCentral Committee yebato.

Hurukuro naVaKudakwashe Bhasikiti
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG