Accessibility links

Breaking News

Masachigaro Anotsigira Amai Mujuru Ombomiswa Basa muZanu-PF


Bato reZanu-PF riri kutarisirwa kuita mumwe musangano wePolitiburo svondo rino wekuyedza kudzima moto uri kuririma mubato iri.

Izvi zvinotevera kumbomiswa basa kuri kuitwa masachigaro ebato mumatunhu anonzi ari kutsigira mutevedzeri wemutungamiri webato, Amai Joyce Mujuru.

Masachigaro ambomiswa basa anosanganisira vekuMidlands, VaJason Machaya, VaTemba Mliswa kuMashonaland West, Retired Brigadier General Callisto Gwanetsa kuMasvingo, uye VaAmos Midzi muHarare.

Vamwe vari kunzi vabve ndiVaAndrew Langa kuMatebelaland South, uye VaRay Kaukonde kuMashonaland East.

Kumiswa kwaVaMliswa kwakatambirwa nehutungamiri hwebato. Nyaya yekumiswa kwevamwe ava ichazeyiwa nePolitiburo.

Studio7 haina kukwanisa kubata VaKaukonde kuti tinzwe divi ravo.

Asi sachigaro wevechidiki muZanu-PF, VaGodfrey Gomwe, avo vakatendera nenyika yose vaine mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, mwedzi wapfuura, vanoti vose vari kumiswa basa vanhu vanenge vatyora mitemo yebato.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi mutauriri webato reZanu-PF, VaRugare Gumbo, vanoti zviri kuitwa zvekuda kubvisa masachigaro hazvisi pamutemo uye vachazeya nyaya iyi neChina mudare rePolitiburo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Chikwata chiri kutsigira gurukota rezvemitemo, VaEmmerson Mnangagwa, ndicho chinonzi chiri kuronga tsoro dzekumisa basa vose vanoonekwa sevanotsigira Amai Mujuru.

Vari muZanu PF vanoti izvi zviri kuitirwa kuti Amai Mujuru vashaye rutsigiro rwakawanda pakongiresi yebato ichaitwa muna Zvita.

XS
SM
MD
LG