Accessibility links

Breaking News

Politiburo yeZanu PF Yosangana neChishanu VaMugabe Vari Pakaoma


NeChishanu Politiburo yebato reZanu-PF iri kusangana kuitira kuti itsvage nzira dzekudzima moto unotyisa woririma mubato iri zvotyirwa nevamwe kuti zvinogona kuguma zvatsemura bato iri nepakati.

Kunetsana mubato iri kwatonyanyisa kubva zvakadomwa mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, kuti vatungamire sangano revanhukadzi muZanu-PF.

Amai Mugabe vakapinda mumatunhu ose vachirova bembera kuti mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joyce Mujuru, vanofanira kusiya basa vachivapomera mhosva yekuda kubvisa VaMugabe pachigaro, uye kuita zvehuori.

Musangano weChishanu uyu uri kuisa mutungamiri webato, VaRobert Mugabe, panguva yakaoma zvichitevera zviri kuitwa nemudzimai wavo mubato.

Amai Mujuru havasati vapindura mhosva dzavari kupomerwa naAmai Mugabe. Havasati zvakare vambotaurawo pamusoro pezviri kufamba zvichitaurwa na Amai mugabe.

Kanawo VaMugabe havasati vabuda pachena kuti vari kutsigira here zviri kuitwa nemudzimai wavo.

Asi Amai Mujuru handiwo chete votambiswa chamutavanhava.

Sachigaro webato, VaSimon Khaya Moyo, vanoona nezvemabasa, VaDidymus Mutasa, uye mutauriri webato, VaRugare Gumbo, vari kushorwawo zvikuru nebepanhau reHerald iro riri kunzi nevamwe rave kushandiswa nechikwata chiri kutungamirwa nevari kupikisana na Amai Mujuru chinotungamirwa negurukota rezvemitemo, VaEmmerson Mnangagwa. Asi Amai Mujuru naVaMnangagwa vanosimboramba kuti vane zvikwata zvavanotungamira.

Nyaya iyi yaunzawo kunetsana musangano re Zimbabwe National Liberation War Veterans Association.

Sachigaro wesangano iri, VaJabulani Sibanda, avo vakashorwa neHerald kuti havasi kutsigira Amai Mugabe zvine mutsindo, vanotiwo mumazuva mashoma anotevera vachafukura hapwa vachifumura vanhu vose vavanoti vari kubata VaMugabe nemudzimai wavo kumeso vachida kukonzera nyonga nyonga mubato vachiita sevanoda VaMugabe kudarika vamwe.

Vachitaura nebepanhau reDaily News, VaSibanda vari kuti Amai Mugabe vari kushandiswa nevanhu ava.

Masangano evatori venhau anoti reMISA- Zimbabwe neZimbabwe Union of Journalists ari kushorawo Amai Mugabe achiti vari kungonyomba nekutyisidzira vatori venhau pamisangano yavo.

Muzvare Sally Dura, avo vanotungamira sangano reSally Women's Institute vanoti kunetsana muZanu-PF kwopa kuti vanhu vasataure nezvehupfumi hwenyika uho hwaenda kumawere.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu, uye vari sachigaro wesangano re Voluntary Media Council of Zimbabwe, VaAlec Muchadehama, vanoti Amai Mujuru vanofanira kupindura zvavari kupomerwa.

Hurukuro naVaAlec Muchadehama naMuzvare Sally Dura
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG