Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vokokera Musangano neChina Makano Akasimudzwa muZanu PF


VaRobert Mugabe
VaRobert Mugabe

Politiburo yeZanu-PF iri kusangana neChina kuti izeye nyaya dzanetsa mubato iri pamberi pekongiresi iri kuitwa muna Zvita.

Musangano uyu unonzi unogona kuita mutauro sezvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka muZanu PF.

Kunetsana kunonzi kwanyanya zvikuru sezvo mutungamiri wenyika nebato, VaRobert Mugabe, vave mukweguri.

Mudzimai wavo, Amai Grace Mugabe, vari kuti pane vamwe vanhu muZanu-PF vari kurwa semvumba kuti VaMugabe vasiye chigaro uye vasapinde musarudzo dzemuna 2018 kunyange hazvo matunhu akawanda mubato iri ari kuti ngavarambe vari panyanga.

Pane chikwata chinonzi chiri kutungamirwa nemutevedzeri waVaMugabe, Amai Joyce Mujuru, nechinonzi chiri kutungamirwa negurukota rezvemitemo, VaEmmerson Mnangagwa. Asi vaviri ava vanoti havana zvikwata zvavanotungamira.

Mutauriri webato, VaRugare Gumbo, varamba kutaura nezvemusangano weChina vachiti vanoona nezvekurongwa kwemabasa mubato, VaDidymus Mutasa, ndivo vanokwanisa kutaura nezvezviga zvemusangano uyu.

Asi VaMutasa vange vasingadaire nharembozha yavo. Asi vane ruzivo nezviri kuitika vanoti nyaya yemashoko aamai Mugabe ekuti amai Mujuru vasiye basa kana kukumbira VaMugabe ruregerero inenge iri mudariro sezvo vakuru vebato vari kuda kuti VaMugabe vabude pavamire panyaya iyi.

Nyaya yesarudzo dzevanhu vachapinda muCentral Committee inonzi uchazeyiwawo. Sarudzo idzi dzingadai dzakaitwa kare asi hapana chiri kubuda.

Vamwe vekudivi raVaMnangagwa vanonzi vari kudawo kuti bumbiro rivandudzwe kuitira VaMugabe kudoma vatevedzeri vavo mubato.

Apo hutungamiri hwebato hunenge huchisangana, Amai Mugabe vanonzi vanenge vachiitawo musangano wavo padivi kuMazowe nevamwe vakarwa hondo yerusununguko, vana chimbwido navana mujibha.

Asi masangano aya anonzi haasi kuwirirana nenyaya iyi vamwe vanonzi vari kutsigira Amai Mujuru vamwe divi raVaMnangagwa rinova rinonzi rabatana naAmai Mugabe.

Mumiriri we Buhera South mudare reparamende, VaJoseph Chinotimba, vanoti vari kuenda kuMazowe kuti vanosvitsa zvichemo zvavo.

Hurukuro naVaJoseph Chinotimba
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaShakespeare Hamauswa, avo vanodzidzisa paMulungushi University kuZambia, vanoti makakatanwa ari muZanu PF achanetsa kugadzirisa.

Hurukuro naVaShakespear Hamauswa
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG