Accessibility links

Breaking News

Amai Mugabe Vanoti Vanhu Vasina Kana Bindu reMuriwo Vavekuda Kuita Vatevedzeri veMutungamiri weNyika.


Grace Mugabe
Grace Mugabe

Mudzimai wemutungamiri wenyika Amai Grace Mugabe neChitatu vakashora vamwe vatungamiri vebato reZanu-PF vachiti vari kuda kurwira chigaro chemutevedzeri wemutungamiri wenyika asi vasina kana bindu remuriwo.

Amai Mugabe vakataura mashoko aya vari kunhandare yeAmazulu kuBulawayo vachienderera mberi nemisangano yavari kuita nevanhu mumatunhu akasiyana siyana.

Mudzimai wemutungamiri wenyika akatiwo vakuru vari kurwira chigaro chemutevedzeri wemutungamiri wenyika ichi vari kutenga vanhu uye vamwe vari kushandisa vechidiki kuita nyaya dzemhirizhonga.

Vanotiwo vari kushushikana nenyaya yekuti pane vanhu vashanu vari kurwira chigaro chekutsiva vaive mutevedzeri wemutungamiri wenyika mushakabvu VaJohn Nkomo.

Amai Mugabe vakaenderera mberi nedingidira ravo rekushora vanhu vavanoti vari kukonzera kusabatana mubato reZanu-PF.

Vakashorawo vamwe vatungamiri mubato vavati vari kutenga vechidiki kuti vaite mhirizhonga.

Munyori weZanu-PF mudunhu reBulawayo VaEliphas Mashava vanoti musangano waAmai Mugabe wakafamba zvakanaka uye vakati vari kuunza kubatana mubato.

Hurukuro naVaEarnest Mudzengi
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vari mukuru weMedia Centre VaEarnest Mudzengi vanoti zvichanetsa kugadzirisa nyaya yekunetsana muZanu-PF vachiti Amai Mugabe vanenge vari kutora divi.

Hurukuro naVaEarnest Mudzengi
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zanu-PF muna Zvita iri kuita kongiresi pachaitwa sarudzo dzekutsvaga vatungamiri vatsva. Asi panonzi paita kunetsana kwakanyanya pakuti ndiyani achatora chigaro chaVaMugabe kana vachinge vasiya basa.

Zvinonzi paita ropa rakaipa pakati pevanonzi vari kutsigira mutevedzeri wemutungamiri wenyika Amai Joyce Mujuru nevanotsigira gurukota rezvemitemo VaEmmerson Mnangagwa. Asi vaviri ava vanoti havana zvikwata zvavanotungamira.

XS
SM
MD
LG