Accessibility links

Breaking News

Chikonzi Chotarisirwa Kupa VaMliswa Masamanisi


VaThemba Mliswa
VaThemba Mliswa

Gweta riri kumirira gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaJonathan Moyo, pamwe negurukota rezvezviwanikwa, VaSaviour Kasukuwere, rinoti zvikonzi zvedare zviri munzira kunopa masamanisi kunhengo yedare reparamende yeZanu-PF kuHurungwe West, VaTemba Mliswa, pamwe bepanhau reNewsday.

VaJonathan Samkange vanoti VaMoyo naVa Kusukuwere vanoda kuripwa mari inoita mamiriyoni makumi maviri emadhora nekuti mazita avo akasvibiswa naVaMliswa avo vakavati ingochani.

Vanodawo kuti Newsday ivaripe nokuti ndiyo yakaburitsa mashoko aya.

VaMliswa vanonziwo vakati VaMoyo, kwete ivo, ndivo vanoshanda nevasori vekuAmerica.

VaMliswa vakataura mashoko aya vachiti VaMoyo vaishandisa bepanhau reHerald kuvasvibisa. VaSamkange vanotiwo vachaendesawo kumatare mamwe mapepa maviri akaita nyaya iyi avasina kuda kudoma.

Vamwe vataura neNewsday vasina kuda kudomwa vati havasati vaona mapepa aya. Nyaya iyi ndeye chipiri mukati megore vakuru veZanu-PF vachiendesana kumatare apo bato iri ratarisana nekongiresi yekutsvaga vatungamiri vatsva muna Zvita.

Mukupera kwegore rakapera mudzimai wegurukota rezvemitemo, VaEmmerson Mnangagwa, Amai Auxillia Mnangagwa, vakaendesawo kumatare gavhuna weMidlands, VaJason Machaya, vachiti vanoda mari inosvika madhora mamiriyoni makumi mashanu vachitiwo vainge vasvibiswa zita ravo.

Hurukuro naVaJonathan Samkange
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG