Accessibility links

Breaking News

America Inoramba Kuti Iri Kubhadhara Nhengo dzeParamende Kuti Dzifumure Zanu PF


Zimbabwe President Robert Mugabe (file photo)
Zimbabwe President Robert Mugabe (file photo)

Vanoongorora zvematongerwo enyika vanoti kunetsana mu Zanu-PF panyaya yekuti ndiyani achatsiva mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, yave kupinza hurumende yeAmerica mushure mekunge mapapenhau eSunday Mail neHerald aburitsa nyaya inoti America iri kushanda nedzimwe nhengo dzeparamende dzeZanu-PF neMDC-T mukufukura hapwa dzeZanu PF.

Mapepanhau aya anoti mumwe anoshanda kumuzinda weAmerica muZimbabwe achiona nezvemabasa eparamende, VaEric Litlle, ndivo vari kushanda nevanonzi vari kufukura hapwa ava.

America inonzi iri kushandisa homwe yemumiriri wayo yeAmbassadors Special Help Fund Program kupa vamiriri ava mari ichinzi ndeye kuita mabasa mumatunhu avo.

Asi muzinda weAmerica neMuvhuro wakaramba izvi mumashoko awatumira kuvatori venhau.

Muzinda uyu wati homwe iyi yagara iripo kubva muna 1980 uye inongobatsira vemabhizimisi madiki. Asi watiwo gore rino hapana munhu ati apihwa mari iyi.

Mutauriri weZanu-PF, VaRugare Gumbo, vanoti vangonzwa nyaya iyi mumapepanhau uye vachaiongorora.

MuZanu-PF mune kunetsena kwakanyanya pakati pevanonzi vanotsigira mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joyce Mujuru, nevanotsigira gurukota rezvemitemo, VaEmmerson Mngangagwa. Vaviri ava vanoramba kuti vane zvikwata zvavanotungamira.

Hatina kukwanisa kubata mupepeti mukuru webepanhau reHerald, VaPikirayi Deketeke, sezvo vange vasingadaire nhare yavo.

Asi nhengo yeZanu-PF inomirira Makonde, VaKindness Paradza, avo vari pakati pevamwe vanonzi vakapihwa mari, vanoti izvi zviri kuitwa nevavengi vavo mubato.

Hurukuro naVaKindness Paradza
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Nhengo inomirira Mabvuku mudare reparamende, VaJames Maridadi veMDC-T, vatiwo zviri kutaurwa muSunday Mail neHerald manyepo. Vatiwo hapana chakaipa kana VaLittle vachipinda muparamende nekuti vakapihwa mvumo iyi nehurumende.

Hurukuro naVaJames Maridadi
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG